Accessibility links

Breaking News

Nhengo yeCCC VaJames Chidhakwa Vanoti Vakaitwa Kafiramberi neVasori


James Chidhakwa
James Chidhakwa

Vaimbova mumiriri weMabvuku mudare reparamende, VaJames Chidhakwa, uye vari mhemgo yeCitizens Coalition for Change vanonzi vakapambwa, kutochwa uye kubayiwa jekiseni risingazivikanwe kuti rainge riinei nevanofungidzirwa kuti vasori.

Vachitaura nevatori venhau vari muchipara, VaChidhakwa vakati zviri pachena kuti mabasa evasori. Vanoti vakasiya vatsikwa gumbo nemotokari yemhando yeFord Ranger.

VaChidhakwa vanonzi vakapambwa nezuro manheru vakarohwa zvakaipisia uye vakasiya vatsikwa makumbo nemotokari.

Vanonzi vakadzurwa mhotsi dziri mumusoro zvakapa kuti vasare vave nemavanga. Vakazosiya vakandwa mune rimwe sango kuActurus.

Vachitaura ne Studio 7, VaAlbert Chidhakwa vati vari kurwadziwa nekushungurudzwa kwemukoma wavo.

Vanoongorora zvematongerwe enyika vachitungamira bato rinopikisa reDemocratic Party Dr Wurayayi Zembe vashora nyaya yekupambwa kwevanhu vachiti izvi zvinonyadzisa zvikuru.

Mutauririri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vati mapurisa haasati audzwa nezvekupambwa kwa Va Chidhakwa.

Masangano anorwira kodzeri dzevanhu akaita seZimbabwe Lawyers for Human Rights, Amnesty International, Human Rights Watch nemamwevanoti vanopikisa hurumende vakawanda mumakore maviri adarika vange vachipambwa nekuitwa kafiramberi nevanofungidzirwa kuti vasori.

Forum

XS
SM
MD
LG