Izvi zvataurwa nemukuru werimwe bandiko reUSAID, reResilience Achors, VaJeremy Swanson, pavataura nevatori venhau pamusangano wekutanga wakokerwa nechikamu chavo, wekucherechedza hukoshwa hwemasango, michero yechivanhu nemiti, kana kuti Non-Timber Forest Products Convention.
Mumwe wevakuru vanotungamira zvirongwa mubazi rinoona nezvenyaya dzemadzimai, kupunduka kwemaruzeva nezvemabhizimusi achiri kukura, Amai Tariro Chipepera, vati hurumende inofara nebasa riri kuitwa neUSAID
Resilience anchors, sezvo riri kusimudzira nharaunda dziri kumamisha, kunyanya madzimai.
Vachitaura neStudio 7 pamusangano uyu, mumwe wevanhu vari kuwana chouviri kubva kuzviwanikwa zviri munzvimbo make, ndiPrayer Chuma, wechidiki ari mugari wekuWard 21 munzvimbo yeBinga.
Muzvare Charity Mutapure vekuBikita, kuMasvingo, vanoti zviwanikwa zvemusango zvirimo munzvimbo yavo, asi vanodawo rubatsiro kuti vakwanise kuwanawo chouviri kubva mazviri.
Zimbabwe inonzi ndiyo yedzimwe nyika dziri kuparadza masango zvakanyanya, zvinogona kuita kuti hupenyu hwevanhu vari kumaruwa, kunyanya madzimai, huwedzere kuoma.
Asi vakafanobata chigaro chemukuru wekomisheni inoona nezvekuchengetedzwa kwemasango, yeForestry Commission VaStephen Zingwena, vanoti masango akakosha, uye anoda kuchengetedzwa.
Nyanzvi dzanga dziri pamusangano uyu dzatiwo kutengeswa kwezviwanikwa zvinobva pamiti, zvakafanana nemichero, midzi, mashizha negavi, uyewo kwezvirimwa zvechivanhu zvinosanganisira mhunga, mapfunde nerukweza, kunonzi kunogona kuwanisa nyika bhizimusi rinosvika madhora mamiriyoni mazana matatu ekuAmerica (US$300mill) pagore rega-rega.Izvi dzati zvinosimudzirawo hupenyu hwevanhu vanogara munzvimbo dzine zviwanikwa izvi.
USAID yati ine tarisiro yekuwedzera nzvimbo dzairi kupa nharaunda rubatsiro rwekugona kuwana kubva muzviwanikwa zvesango nezvekurima.
Musangano uyu waitwa pasi pedingindira ranga richikurudzira kusimbaradzwa kwenzvimbo dzine zviwanikwa, kana kuti Promoting Transformative Community Resilience through Non-Timber Forestry Products.
Forum