Accessibility links

Breaking News

Kuda Chiwandire Opihwa Mumwe Mukana weKurwira Bhande reWBC


Kudakwashe Chiwandire
Kudakwashe Chiwandire

Mutambi wetsiva yemadzinai ane mukurumbira Kuda Chiwandire apihwa mukana wekurwira bhande re WBC International iro rinomuisa mutambo mumwechete kuti arwire bhande reWBC regoridhe zvekare.

Maneja waChiwandire VaClyde Musonda nhasi vaudza vatori venhau kuti WBC yapa Chiwandire mukana wekuti arwire bhande reWBC International iro riri mumaoko aUrvashi Singh anobva kuIndia.

VaMusonda vanoti bhande iri rakakosha nekuti Chiwandire akaritora anowana mumwe mukana wekurwira bhande repamusoro soro reWBC regoridhe.

Gore rapera, Chiwandire akamborwira bhande regoridhe iri asi akakundikana kuritora mushure mekurohwa nemapoinzi naYemilethi Mercado wekuMexico.

Chiwandire pachake anoti atotanga kugadzirira zvakasimba kuti akunde. Izvi zvatsinhirwa nemurairidzi wake Tarisai Ponde anoti panosvika zuva remutambo vanenge vatodarikidza gadziriro yacho.

VaMusonda vanoti vane mavhidhiyo aSingh achirwa ayo varikugaroona naChiwandire kuti azivisise marwiro emutambi wekuIndia uyu.

Mutambo uyu uri ko musi wa 15 Zvita kuAustralia uko kuna vanamuzvinabhizimisi vari kushambadzira nekudira mari mumakundano aya.

Chiwandire akaita mukurumbira apo akaenda kuZambia ndokunorova Catherine Phiri nekutora bhande weWBC rehuremu hwesirivha.

Akadzivirira bhande iri nekurova Zulina Munoz wekuMexico izvo zvakamupa tikiti rekunorwa naMercardo wekuMexico zvakare.

Chiwandire ndiye mutambi wechipiri muZimbabwe kutora bhande reWBC rehuremu hwesirivha achitevera mutsoka dzaCharles Manyuchi uyo anoti ave kuda kuregedza zvetsiva.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG