Accessibility links

Breaking News

Hondo yeIsrael neHamas Yoenderera Mberi Dzimwe Nyanzvi dzeHutano Dzichikurudzira Kuti Pasi Rose Ribatsire neZvikwanisiro zveMishonga kuGaza


Mauto eIsrael anoti apinda zvakare muGaza ndokurwisa achibuda.
Mauto eIsrael anoti apinda zvakare muGaza ndokurwisa achibuda.

Hondo yeIsrael neHamas, iyo inonzi nehurumende yeAmerica chikwata chematororo, yapinda musvondo rechitatu vanachiremba vemugaza vari mupalestine vachizivisa kuti zvipatara zvizhinji hazvisisina zvikwanisiro zvakadayi semishonga.

Mauto eIsrael azivisa kuti ambopinda muGaza kechipiri umo arwisa Hamas asati adzokera kunyika yawo.

Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, vachitaura nevatori venhau muWashington, vati kunyangwe zvavo nyika yavo iri kutsigira Israel muhondo iyi, zvakakosha kuti hupenyu hwevanhu vemuPalestine vasiri kurwa muhondo iyi huchengetedzwe.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano uye vari chiremba Dr, Simbiso Ranga, vanoti zvakakosha kuti pave nenhaurirano pakati peIsrael nechikwata cheHamas kuti hondo iyi ipere sezvo vanhu vazhinji vamwe vasirikurwa vari kurasikirwa nehupenyu munyika mbiri idzi.

“Zvakakosha kuti masangano akadayi seUnited Nations arambe achikurudzira runyararo kuitira kuti hondo iyi ipere nechimbichimbi sezvo huwandu hwevanhu vari kurasikirwa nehupenyu huri kuramba uchiwedzera asi zvikwanisiro zvekushandisa muzvipatara munzvimbo dzakadayi seGaza zviri kushomeka,” Dr. Ranga vaudza Studio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG