DeMbare neMakepekepe zviri kusangana mangwana musemi fainari yeChibuku Super Cup mushure mekunge Caps United yakarohwa nevavakidzani vayo ava mumitambo miviri yeligi iyo vakasangana mwaka uno munhandare imwecheteyo.
Caps United yakarohwa 2-0 mumutambo wekutanga, ndokuzodamburwa zvekare 1-0 mumutambo wechipiri asi mutsigiri wayo, VaBrian Makwara, vanoti iko zvino ndivo vachipemberera
“Derby kana wapedza so, mufaro wacho munongouziva. Paunofamba chaipo munhu akakunvunza kuti zvapera sei, inenge iri sure sure kuti team yangu yapedza, “ anodaro Makwara.
Chikwata chinokunda mumutambo uyu chinosangana mufainari musi wa 3 Zvita neNgezi Platinum iyo yarova Black Rhinos 3-0 muBata Stadium muGweru nhasi masikati.
Asi munyori wemutambo wenhabvu, Admire Muhimeke, anoti mitambo pakati pezvikwata zviviri izvi inonetsa kudoma anokunda asi pakugumisira ari kuona kunge Dynamos ichakunda zvekare.
“Mutambo wemukombe newe ligi zvakati siyaneyi. Mitambo yemikombe inonetsa kuona kuti chikwata chinokunda ndechipi.
Asi pane uyu mutambo ndirikuona kunge Dynamos ichabudirira,”adaro Muhimeke.
Chimwe chinonakidza pamutambo iyi mapfekero anoyevedza akasiyana-siyana eruvara rwezvikwata zvavo anenge akaitwa nevatsigiri vezvikwata izvi.
Vamwe vanouya vakapfeka mahovhorosi, vamwe magamenzi, vamwe ndivo vanenge vakazvipenda-penda nependi dzeruvara rwezvikwata zvavo.
Mutsigiri weDynamos, VaHumprey Tahwa, avo vanouya vakapfeka hovhorosi nguva zhinji, vanoti Dynamos iri pamwoyo pavo zvekuti vanopfeka zvese zvese zvinoita kuti vaonekwe kuti ndeveDembare.
“Dembare iteam yedu. Kana wada Dembare unosvika pakupfeka zvese zvese. Chero wakapfeka blue, zvinoreva kuti Dembare,” anodaro Tahwa ari murufaro.
Mutsigiri weCaps United, VaStanage Nhire, vanoti kunyange havo vachishaya mari yekutenga pakanyorwa kunzi Caps United, vanopenda kumeso nemaoko avo nemavara ependi yeruvara rwezvipfeko zvemaGreen Machine.
Vanoti chido chechikwata cheCaps chinobva pasi pasi pamwoyo wavo zvekuti hapana anokwanisa kuvatadzisa kuita zvavanoita izvi pese panotamba chikwata chavo.
“Chikwata changu chinopfeka green ne white. Saka ndinozvipenda penda zvichibva pasi pemoyo wangu. Chero ndichishaya mari yekutenga mbatya dzakanyorwa kunzi Caps United, ndinenge ndichiratidza vanhu kuti inini ndiri weCaps United,” anodaro Nhire.
Asi pavatsigiri vezvikwata zviviri izvi kune vachabuda muNational Sports Stadium vachipembera nevamwe vachabuda vakasuwa pachapera mitambo uyu.
Totarisa makundano e2023 Rugby World Cup.
MuSouth Africa nekuNew Zealand hakusi kudaidzwa anonzwa apo zvikwata zvavo zvemutambo we rugby manheru ano zviri kupinda munhandare yeStade deFrance mu Paris, France, kurwira mukombe we2023 Rugby World Cup.
South Africa, iyo ine mukombe uyu iri mufainari umu mushure mekurova England, New Zealand ichibuditsawo Argentina.
Chikwata chinokunda mumutambo wanhasi uyu chinoita chekutanga pasi rino kutora mukombe uyu kanokwana kana sezvo ma All Blacks nema Springboks vese vatora mukombe uyu katatu.
New Zealand yakatora mukombe uyu muna 1987, 2011 nemuna 2015, South Africa ndokuutorawo muna 1995, 2017 nemuna 2019.
Asi nhasi, chimwe chezvikwata izvi chiri kutora mukombe uyu kudarika zvimwe zvikwata zvese pasi rino.
South Africa yakabudirira kusvika kufainari mushure mekurova England 16 kwa15 Mugovera wapfuura.
Forum