Accessibility links

Breaking News

Dynamos Inopinda Mufainari YeChibuku Super Cup, maSpringBoks ekuSouth Africa Achihwinhawo Mukombe weRugby wePasi Rose


Chikwata chenhabvu cheDynamos
Chikwata chenhabvu cheDynamos

Mumusha meDynamos hamusi kudaidzwa anonzwa mushure mekunge chikwata chavo nhasi chapinda mufainari yeChibuku Super Cup nekurova Caps United muNational Sports Stadium.

Dembare yakunda nezvibodzwa 2-0 ndokuwedzera pa 2-0 ne 1-0 iyo yavakakunda nayo pamitambo miviri yeligi iyo zvakwana izvi zvakasangana munhandare imwecheteyo.

Aka kave kechipiri Dynamos ichipinda mufainari yemakundano aya zvichitevera muna 2014 apo yakarohwa neHarare City.

Mutsigiri weDembare VaTedius Bhunu vanoti Zimbabwe yese Irikufara zvikuru nezvabuda mumutambo uyu. “Tinonzwa kufara uyezve nyika yese iri kufara.Nemadzimai edu anga ave nenguva vasingadye sadza nenyama nhasi vainoidya,” vanodaro VaBhunu.

Murairidzi weDembare, Genesis Mangombe, anoti ari kufara nekukunda muDerby iyo anoti ndiyo yanga iri fainari pachayo.

“Ndiri kufara zvikuru nekukunda kwataita muDerby iyo kwandiri ndiyo yanga ichifanira kutoita fainari yacho” anodaro Mangombe.

Dynamos yave kusangana neNgezi Platinum Stars mufainari sezvo yakarovawo Black Rhinos 3-0 neMugovera uyezve ine nhoroondo yakasimba mumakundano eChibuku Super Cup aya.

Ngezi yakatora mukombe uyu muna 2016 uyezve yave kupinda mufainari yayo yechina mushure mekurohwa mufainari muna 2019 na 2021.

Asi mutsigiri weDynamos, iyo yakapinda mufainari kamwechete muna 2014, VaNigel Zimunya, vanoti pakufamba kwenguva pane chinoitika kekutanga sekutora kweDynamos Chibuku mwaka uno.

VaZimunya vataura vave panzvimbo yekutandarira vave kupemberera kukunda kwechikwata chavo. “Ichokwadi kuti hatisati tambotora mukombe uyu.

"Asi sezita remurairidzi wedu Genesis, chinhu chese chine mavambo. Chinangwa ndechekuti tikatora mukombe iwoyu gore rino, ticharamba tichiutora,” vane tarisiro VaZimunya.

VePremier Soccer League vakazivisa kuti fainari yemakundano aya iriko musi wa 3 Zvita uyezve muBaobab Stadium umo munoshandiswa semusha neNgezi.

Ngezi neDynamos dziri kurwisana zvekare kutora mukombe weCastle Lager Premier Soccer League.

Chikwata chinotora mukombe weChibuku Super Cup uyu chinowana mari inoita iyo zviuru makumi manomwe nezvishanu zvemadhora emari yekuAmereka.

Pamusoro pezvo, chinowana tikiti rekumirira nyika mumakundano anotevera eCaf Confederation Cup.

South Africa Rugby Team
South Africa Rugby Team

Zvichakadaro muSouth Africa muchine mufaro mukuru mushure mekunge chikwata chavo che rugby chakatora mukombe we2023 World Cup mushure mekurova New Zealand 12-11 nezuro manheru.

Mufaro uyu wawedzera nekuti South Africa ndiyo yaita chikwata chekutanga pasi rino kutora mukombe uyu kanokwana kana mushure mekumbousimudza muna 1995, 2017 na 2019.

NemuZimbabwe vanotevera mutambo uyu vari murufarowo vachiti zvaitwa nemaSpringboks zvinobatsira kusimudzira mutambo werugby muAfrica..

Kaputeni wechikwata chenyika chemutambo uyu cheRugby Sevens, Kudzai Mashawi anoti zvaitwa neSouth Africa zvinokurudzira dzimwe nyika kuti dziwedzere mwando mumatambiro adzo

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG