Hurumende inoti kunyange hazvo zvinhu zvakaoma munyika, vechidiki havafaniri kuona sekuti kunotsvaga mafuro manyoro kunze kwenyika ndizvo zvingapedza nhunha dzavari kusangana nadzo.
Asi vechidiki vakawanda vanoti izvi hazvisi kuzovamisa kutsvaga kurarama kuri nani kunze kwenyika.
Mashoko aya ataurwa negurukota rezvevechidiki, VaTino Machakaire, pavaita musangano nevatori venhau nhasi muHarare wekupemberera zuva revechidiki vemuAfrica, kana kuti Africa Youth Day.
VaMachakira vati pane zvirongwa zvakawanda zviri kuitwa nehurumende yeZimbabwe zvekusimudzira vechidiki, uye vechidiki vanofanirwa kuzvigamuchira.
Vati zvirongwa izvi zvinosanganisira kuwanisa vechidiki ava zvidzidzo zvemabasa emaoko muzvikoro zvepamusoro pamwe nekuvawanisa mari dzekutanga nadzo mabhizimisi pasi pebhanga re Empower Bank.
Asi mumwe mugari wemuHarare, VaLuke Chitsike, vati mashoko ehurumende ekutsoropodza vari kunotsvaga mafuro manyoro kunze kwenyika, anonetsa kuagamuchira, uye kuatevedzera.
Asi Muzvare Rumbidzai Mpofu, mumwe wechidiki ane bhizimusi rekutengesa muHarare, anoti mikana irimo munyika inogona kupundutsa vechidiki.
Anorwira kodzero dzevechidiki, uye ari kusangano reFemale Students Network Trust, Muzvare Rutendo Matiki, vanoti kubuda kunze kuri kuita vechidiki kunoratidza mamiriro akaita hupfumi hwenyika.
Vechidiki vakawanda vari kunotsvaga mafuro manyoro kunyika dzakaita seUSA, Britain, Australia, South Africa nedzimwe sezvo vari kuti hupenyu hwemuZimbabwe huri kuvaomera nekuda kwekushaya mikana yekuzvisimudzira.
Sangano reZimbabwe Congress of Trade Unions rinoti vanhu vasina mabasa munyika vanosvika zvikamu makumi mapfumbamwe kubva muzana, kana kuti 90 percent.
Zuva reAfrica Youth Day rakadzikwa neAfrican Union senzira yekucherechedza kukosha kwakaita vechidiki mubudiriro yenyika idzi, uye mhemberero dzezuva iri dzichaitwa musi wa 22 Mbudzi.
Forum