Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika, VaMnangagwa, Vokurudzira kuKwenenzverwa kweZviwanikwa Zvisati Zvatengeswa Kunze


VaEmmerson Mnangagwavachivura musangano weMine Entra kuBulawayo.
VaEmmerson Mnangagwavachivura musangano weMine Entra kuBulawayo.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti kutengeswa kwezvicherwa pasina kuzvikwenenzvera nekuita zvigadzirwa zvakasiyana-siyana hakuna zvakunobatsira nyika zvakanyanya.

Vachitaura semunyarikani mukuru pakuvhura zviri pamutemo gungano rechimakumi maviri nenhanhatu rezvemigodhi, re 26th Mining Engineering and Transport, kana kuti Mine Entra, muBulawayo nhasi, VaMnangagwa vati zvicherwa zviwanikwa zvakakosha pakusimudzira hupfumi hwenyika. Vatiwo vari kufara kuti chikamu chezvezvicherwa chiri kuramba chichikura.

VaMnangagwa vakomekedza kukosha kwakaita kukwenenzvera zvicherwa kuburikidza nekugadzira zvigadzirwa zvakasiyana, vachiti kutengesa zvicherwa zvakadaro hakuna pundutso yakanyanya.

Mine Entra 2023
Mine Entra 2023

“Zvisinei nekuti zvezvicherwa chikamu chinosimudzirwa hupfumi hwenyika nemagariro evanhu kunyanya kuvimba nekutengesa zviwanikwa zvisina kunhadzurudzwa hakuna kwakunosvitsa nyika.

"Zvidzidzo zvatinowana kubva kumamiriro ezvematongerwo enyika nezvehupfumi pasi rose zvinoratidza kuti tinofanirwa kugara takangwarira kuti hupfumi hwenyika yedu husakanganiswa nezvimhingamupinyi zvinombowira hupfumi hwenyika pasi rose, kusanganisira kusagadzikana kwemitengo yezvicherwa, nezvimwe zvakasiyana-siyana.”

VaMnangagwa vatiwo zvakakosha kuti vanhu vemunharaunda dzinowanikwa zvicherwa vawane chouviri kubva mazviri, vakakurudzira vemakambani anoita zvezvicherwa kuti vaone kuti izvi zvaitwa here.

“Tinongori nenyika yeZimbabwe imwe chete chete, uye zvicherwa zviwanikwa zvinopera, nekudaro ngative vanhu vakanaka tichichengetedza zviwanikwa zvedu, tichingwarira kuyeuka zvinodiwa neveruzhinji mukurarama uye kuedza kusimudzira hupenyu hwavo.”

Vachipindura Studio 7 pamubvunzo wekuti ndezvipi zvavari kuita pakuchemachema kweveruzhinji kuti hapana zvavanowana kubva kumakambani anoita zvezvicherwa, kunyanya ekunyika yeChina, VaThomas Gono, vanove mutungamiri wesangano reZimbabwe Chamber of Mines, vati sangano ravo rinokurudzira kuti makambanj ose anoita zvezvicherwa ashande nevanhu vemunharaunda dzaari pamwe nekubatsira kusimudzirawo nzvimbo idzi.

Mine Entra 2023
Mine Entra 2023

“Isu tinoshanda nemakambani ose anoita zvezvicherwa tisingatarisi kuti uu anobva kuChina, uyu anobva kuBritain, kuAmerica kana kuSouth Africa. Vose tinovaona sema investors akakosha uye kurudziro yedu ndeyekuti vatevedzeri mitemo yenyika uye vashande nevanhu vemunharaunda yavanenge vachiita zvezvicherwa.

"Hurumende yakaisawo mitemo inosanganisira kurambidza kubudiswa kwezvimwe zvicherwa zvisina kukwenenzverwa uye tinofunga kuti zvose izvi zvinobatsira kuti vanhu vemunharaunda vawane pundutso kubva muzvicherwa zviri munharaunda mavo.”

Mudzidzisi wezvidzidzo zvehupfumi zvepamusoro paBindura University of Science Education, VaFelix Chari, vanoti zvakakosha kuti hurumende itore matanho akasimba kuti zviwanikwa zvisatengeswa kunze kwenyika zvisina kuvandudzwa.

Ngazvisave zvekungotaura chete asi kuti tive nemitemo yakasimba inokurudzira value addition kana beneficiation toitawo mitemo yakasimba inoita kuti pasave nekurasikirwa kwatinoitwa nezvicherwa zvakakosha segold nemadiamonds zvinobudiswa munyika zviri kunze kwemutemo.”

Mukuru wesangano reCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vatsinhirawo maonero ekuti hurumende haifanirwi kungosimbirira pakutaura.

“Tikatarisa nyika yakaita seBotswana, yave kutungamira munyaya dzekupolisher madiamonds nekuda kwekuti hurumende yenyika iyi yakatora matanho nemitemo yakajeka yekuti izviz zviitike. Hurumende haifanirwe kungotaura chete asi kuti inofanirwa kuti zvainenge yataura zvitevedzerwe.”

Vamwe vemakambani vachiratidza michina.
Vamwe vemakambani vachiratidza michina.

Zvisinei nekuti nyika yeChina ine makambani akwanda ari kusima mari munyika munyaya dzezvezvicherwa pagungano iri pange paine makambani mashoma ekunyika yeChina.

Makambani anosanganisira anoita zvemigodhi anosvika zana nemakumi matanhatu nemapfumbamwe ari kupinda mumusangano uyu, mamwe achiratidza zvigadzirwa zvawo.

Mumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, pamwe negurukota rezvezvicherwa, VaSoda Zhemu, ndevamwe vevakuru vakuru vehurumende vange vari pachiitiko ichi.

Gungano reMine Entra iri, iro rakatanga nezuro uye rinopera mangwana, rinoitwa gore rega rega muna Chikunguru asi gore rino rakanonoka kuitwa nekuda kwesarudzo dzaive munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG