Accessibility links

Breaking News

Gurukota reAmerica, Blinken, Vokurudzira Kuchengetedzwa kweVanhuwo Zvavo vemuPalestine muHondo yeIsrael neHamas


VaAntony Blinken vashanya kuIsrael uko vaita misangano nevakuru vehurumende.
VaAntony Blinken vashanya kuIsrael uko vaita misangano nevakuru vehurumende.

Hondo pakati peIsrael ne Hamas iri kuenderera mberi panguva iyo gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika mu America, VaAntony Blinken, vasvika muIsrael umo vaita misangano nevatungamiri ve Israel mu Tel Aviv vachikurudzira kuti patorwe matanho anochengetedza vanhuwo zvavo vemuPalestine.

Hurumende yeAmerica yakatara Hamas sechikwata chematororo.

VaBlinken vanotarisirwa kupa chikumbiro kunyika yeIsrael kuti imbomira kurwisa kwairi kuita muGaza kuitira kuti pawanikwe mukana wekuendesa rubatsiro.

Vari kutarisirwa kuenda kuJordan neMugovera.

Nemusi weChina nhengo dzedare reparamende remuAmerica dzakapasisa rubatsiro rwemari inosvika $14.5 billion kuti ipiwe kuIsrael muhondo yayo neHamas.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu uye vachiongorora zvematongerwo enyika, VaKennedy Masiye, vanoti kushanya kwaVaBlinken kuIsrael panguva ino kwakanaka uye kunokurudzirwa sezvo pachifanirwa kuitwa hurukuro dzekuti pave nerunyararo uye kuti rubatsiro rwekudya nezvimwe zvikwanisiro rwusvike muGaza.

"Zvakakosha kuti hondo imbomiswa kuitira kuti vagari vemuGaza avo varikutarisana nekushayikwa kwechikafu nezvikwanisiro vawane rubatsiro urwu. Zvakakosha kuti vanhuwo zvavo vawane rubatsiro rwezvikwanisiro uye shuwiro yedu ndeyekuti hurumende yeIsrael iremekedze chikumbiro chaVaBlinken." VaMasiye vaudza Studio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG