Dare repamusoro reHigh Court rarasa chikumbiro changa chakwidzwa kudare iri nenhengo dzedare reNational Assembly gumi neina pamwe nedzeSenate pfumbamwe dzebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change, chekuti rirase kudzingwa kwadzakaitwa muparamende naVaSengezo Tshabangu, avo vari kuzviti ndivo vakafanobata chigaro chemunyori mukuru webato iri.
Mutongi wedare reHihg Court, Justice Munamato Mutevedzi, varasa chikumbiro ichi vachiti tsamba dzekudzinga nhengo idzi dzakanyorwa naVaTshabangu kumutauriri wedare reparamende, VaJacob Mudenda, pamwe nemutungamiri weseneti, Amai Mabel Chinomona, dzinogutsa chikamu 129(1) (k) chebumbiro remitemo.
Izvi zvave kureva kuti sarudzo dzekutsiva zvigaro zvenhengo idzi dzakatarwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuti dziitwe musi wa 09 Zvita gore rino dzave kuenderera mberi.
Rimwe remagweta aVaTshabangu, VaNqobani Sithole, vaudza Studio 7 kuti vafadzwa chose nemutongo wedare uyu, vachiti kubva pavakangoona magweta enhengo dzeCCC abvisa pamagwaro avo VaMudenda naAmai Chinomona, vakabva vangoziva kuti mutambo wapera.
Asi mutevedzeri wemutauriri weCCC, VaGift Ostalos Siziva, vanoti sebato, havasi kutambira mutongo uyu sezvo kusina nhengo dzakadzingwa muparamende.
Vati sezvo bato ravo riri bato revanhu, vachadzokera kuvanhu vonzwa kuti vanoti votora matanho api kuenda mberi.
Zvichakadaro, bato reZanu PF raita sarudzo dzaro dzekutsvaga vachakwikwidza musarudzo dzema by-election mumatunhu ane nhengo dzeCCC dzakadzingwa muparamende, kana kuti primary elections.
Mushandi mukuru muhofisi yezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaFarai Marapira, vaudza Studio 7 kuti vanotarisira kutanga kunzwa zvabuda musarudzo idzi manheru ano kana mangwana Svondo.
Dare reNomination Court riri kugara mumatunhu ane nhengo dzakadzingwa idzi neChipiri 07 Mbudzi richitambira mazita evachada kukwikwidza musarudzo idzi.
Asi vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti nguva yapera kubato reCCC yekuti ritsvage nhengo dzichakwikwidza musarudzo idzi kana rakafunga kukwikwidza sezvo rasarirwa nemazuva maviri chete kuti dare reNomination Court rigare.
Forum