Gurukota rinoona nezvekudyidzana kweAmerica nedzimwe nyika, VaAntony Blinken, vashanyira West Bank neSvondo murwendo rwavo rwekuIsrael nePalestine, uko kwavasangana nemutungamiriri wePalestine, VaMahmoud Abbas.
Vaviri ava vaita hurukuro dziri pamusoro pehondo iripo pakati pe srael nechikwata cheHamas, icho chinonzi nehurumende yeAmerica chikwata chematororo.
Musangano uyu waitirwa kuduunhu reRamallah, vaviri ava vakakurukura nezvekuyedza kudzoreredza kugadzikana muWest Bank, muGaza Strip nenzvimbo dzakakomberedza.
Zvichakadaro, vanhu vanosvika kumakumi ezviuru vakaungana muWashington D.C. neMugovera vachiratidza rutsigiro rwavo kuPalestine.
Varongi vekuratidzira uku vakati mazana emabhazi akaunza vanhu kubva kumativi mana enyika yeAmerica kuenda kuguta guru renyika reD.C.
Nyanzvi yezvematongerwo enyika vachidzidzisa paTswane University of Technology muSouth Africa, Muzvinafundo Ricky Mukonza, vanoti pane nhoroondo yakasimba pakati penyika yeIsrael nePalestine , uko kunonzi ndiko kune chikwata cheHamas,.
Muzvinafundo Mukonza vanoti hapana pamativi maviri aya anoda kuti anzi akundwa ,saka vanoona sekuti hondo iripo iyi ichatomboenderera mberi, kunze kwekuti papindirwa nenhaurirano dzingapedze gakava riripo rakonzera mhirizhonga iyi.
VaBlinken vazoenda kuBaghdad fuko vakanoita hurukuro nemutungamiri weIraqi, VaMohammed Shia al-Sudani, panguva iyo mauto eAmerica ari mudunhu iri ari kutarisana nekukwira kwekurwiswa nezvikwata zvinodyidzana neIran zviri muIraq nedzimwe nzvimbo.
Forum