Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, varumbidza kambani yeGeo Pomona, iyo iri kunzi ine hurongwa hwekugadzira magetsi kubva mumarara, panzvimbo yaimborasirwa marara nekanzuru yeHarare.
Vachitaura semukokwa mukuru pagungano rekuparura zviri pamutemo hurongwa hwekushandisa marara kuita magetsi, VaMnangagwa vati hurongwa hwaitwa neGeo Pomona hwakanaka chose.
"Pano painhuhwa. Paimboita nguva yapaitsva nemoto. Taiona madzimai naanababa vari mumarara imomu vachitsvaga zvavaitsvaga. Asi vana vedu vemuno vakazonodzidza kunze kwenyika mhando yekuwana nayo magetsi kubva mutsvina iyi. Tinofara nebasa ravakaita rakanaka kudai."
Kambani yeGeo Pomona Waste Management inoshanda iri pasi pekambani yeGeogenix BV, yekuNetherlands iyo yakasainirana nehurumende chibvumirano chemari inosvika US$344 million chichange chiripo kwemakore makumi matatu.
Mukuru wekambani yeGeo Pomona, VaDelish Nguwaya, vati vari kudyidzana zvakanaka nekanzuru uye vagari vemuHarare vachawana chouviri kubva mubasa ravari kuita.
"Tinoita misangano yakawanda nekanzuru- tinodyidzana zvakanaka chose. Chichemo chavakatiudza ndechekuti mota dzavo ishoma kuti vatakure marara akawanda. Asi vanhu vemuHarare ngavagadzirire kuwana magetsi; kuwana mabasa, kuwaniswa nhandare dzemitambo, uyewo nzvimbo inofura mhepo, kwete inonyangadza seyaive pano."
Asi meya weguta reHarare vari vebato reCitizens' Coalition for Change, VaIan Makone, vaudza Studio 7 kuti havafari nechibvumirano chakaitwa pakati pekanzuru yeHarare yakamirirwa nebazi rezvekutongwa kwematunhu, neGeo Pomona ichi.
"Isu takatonyora nyunyuto yedu kugurukota rinoona nezvematunhu nekuti hatisi kufara nekuwiriana kwakaitwa. Mari inodiwa kuti tibhadhare Geo Pomona hatiikwanisi nekuti mota dzedu dzinotakura marara ishoma. Zvinoreva kuti vagari ndivo vanozotora musenzekete wekubhadhara mari iyi. Panoda kugadziriswa apa."
Kupiwa mvumo kwekambani yeGeo Pomona yekutenga marara ose emuHarare ichiagadzirisa magetsi kwakakonzeresa bongozozo gore rapfuura, apo kanzuru yeHarare yakati izvi zvakaitwa nehurumende isina kuziviswa.
Vanoona nezvemabasa murimwe sangano rinomirira vagari vemuHarare, reCombined Harare Residents Association, VaReuben Akili, vati hurumende yaifanira kuvazivisa nezvechibvumirano nekambani yeGeo Pomona pasati paita kunyorerana pasi.
"Isu sevagari takagara tazviramba gore rapera, nekuti hatina kuziviswa nezvehurongwa hwekupa kambani iyi basa. Uyezve, bumbiro remitemo rinoti zvirongwa zvose zvinoitirwa vanhu, vanofanira kunge vaziviswa nezvazvo. Isu hatina chatakaziviswa sevagari, uye hationi sekuti chibvumirano ichi chakatinakira."
Vakamboita meya weguta reHarare, VaBernard Manyenyeni, vanoti sezvo pakamboita mitauro pamusoro pekubvumira kambani yaVaNguwaya kuita basa, mutungamiri wenyika anga achifanira kujekesa kuti nyaya idzi dzakazogadziriswa here.
"Sezvo zvakazivikanwa kuti pakamboita zvichemo panyaya iyi, zvanga zvakanaka kuti dai mutungamiri wenyika azivisa vanhu kuti zvichemo izvi zvakazogadziriswa here, uye nemutowo upi. Kuzivisa vanhu izvi, kunoita kuti tese tifambirane. Zvichakadaro, ini handioni zvakaitwa apa zvichibatsira vagari vemuHarare."
Muchibvumirano chakaitwa gore rapfuura, kambani yeGeo Pomona yakanzi ichange ichibhadharwa nekanzuru mari inokwana zviuru makumi maviri nezviviri zvemadhora ekuAmerica (U.S$22 000) pazuva, mushure mekugamuchira marara anokwana tani rimwechete muzuva iroro.
Asi kanzuru inoti nekuda kwekushaya zvikwanisiro zvekutakurisa marara, haikwanisi kuwana marara akawanda kudaro, zvinoreva kuti inenge yava kungobhadhara mari yemahara kuGeo Pomona, sezvo chibvumirano ichi chichiti kunyange kanzuru ikatadza kusvitsa tani remarara pazuva, inongofanirwa kubhadhara U.S$22 000 inodiwa pazuva.
Kana chava kushanda zvakazara, chivakwa che Waste to Energy chanzi chichaunza magetsi anokwana 22 megawatts, uyewo panzvimbo iyi pari kutarisirwa kuvakwa nhandare dzemitambo yakasiyana-siyana, kuti vanhu vazvivaraidze.
VaNguwaya vanonzi vanodyidzana munyaya dzemabhizinesi nemwanakoma wemutungamiri wenyika, Collins Mnangagwa, uye vakambosungwa vachipomerwa huori panyaya dzemabhizinesi. Imwe yekambani yavanomirira muZimbabwe, yeDrax International, yakakonzera mutauro munyika mushure mekupihwa basa rekuunza mishonga nezvikwanisiro zvairema mamiriyoni makumi matanhatu emadhora ekuAmerica isina kutevedza mitemo yakatarwa.
Forum