Mukuru wekereke yeRoman Catholic, Pope Francis, vanoti shuwiro yavo ndeyekuti hondo iri pakati peIsrael neHamas, iyo yapinda muvhiki rechishanu, imbomira kuitira kuti vanhu vari muGaza vawane mukana wepupihwa rubatsiro rwechikafu, mvura nemishonga.
Hurumende yeAmerica yakatara Hamas sechikwata chematororo.
Pope Francis vakataura izvi vari kumuzinda wavo kuSt. Peter’s Square mushure memunamato wavo wepasvondo, weAngelus Prayer, neSvondo.
Bazi rezvehutano remuGaza, iro rinonzi riri kushanda nechikwata cheHamas, rinoti vanhu vashaya muhondo iyi vave kunanaira kusvika kuzviuru gumi, kana kuti 10 000.
Israel inoti vanhu vashaya muhondo iyi munyika mayo vanosvikawo kuchiuru nemazana mana, kana kuti 1 400.
Nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vari mutungamiri webato rinopikasa reDemocratic Party, Doctor Wurayayi Zembe, vanoti vanokurudzira kuti mapato maviri ari kurwisana ataurirane, sechikumbiro chiri kubva kuna Pope Francis.
Vanoti zvakakosha kuti hondo iyi isaenderere mberi sezvo ichizokwanisa kutapukira kune dzimwe nyika dziri muMiddle East dzinodyidzana neZimbabwe.
"Zvakakosha kuti vari kurwa vataurirane nechimbi-chimbi kunyangwe hazvo pari zvino Israel iri kuti inoda kuti vagari vayo vakapambwa vadzoswe neHamas vasati vapinda munhaurirano.
"Asi izvi hazvifanirwe kuramba zvichienderera mberi sezvo vanhu vari kurasikirwa nehupenyu kumapato maviri aya anoti Israel neHamas," Docto Zembe vaudza Studio7.
Forum