Gavhuna vebhanga renyika, reReserve Bank of Zimbabwe, (RBZ) Doctor John Mangudya, vakurudzira kuti bhajeti regore rinouya ra2024 rifambirane nemamiriro akaita zvinhu munyika munyaya dzezvemari nehupfumi.
Doctor Mangudya vataura izvi pamusangano wekuzeya bhajeti iri uri kuitwa nekomiti yedare reparamende muHarare.
Bhajeti iri riri kutarisirwa kuturwa negurukota rezve mari nehupfumi, Muzvinafundo Mthuli Ncube, mumazuva mashoma anotevera.
Zvimwe zvezvinonzi zvinoda kutarisiswa inyaya dzemhirizhonga dziri kukonzerwa nezvematongerwo enyika, uye kushanduka kwemwaka yekurima nemamiriro ekunze.
Vakurudzirawo kumisa kubhadharwa kwemitero muzvitoro, kuwedzera kutengeserana nemari yemunyika uye kutariswa kwemari dzinobva kune vari kunze kwenyika.
Asi dzimwe nyanzvi dzezvehupfumi dzinoti VaMangudya vave kutsvaga uta nemugate.
Nyanzvi yezve hupfumi vari mutevedzeri wasachigaro webhodi resangano reGovernors for UTC kuSalford kuBritain, Muzvare Chenayi Mutambasere, vanoti mafambiro enyaya dzezvehupfumi munyika anoda kuti atarisiswe nekuti vanhu vari kuramba vachingotambura chero hazvo paine zvinenge zvichinzi zviri kukurudzirwa nekugadziriswa.
Forum