Hondo pakati peIsrael neHamas yasvitsa mwedzi nhasi mutungamiri weIsrael VaBenjamin Netanyahu vachizivisa kuti havasi kuzomisa hondo iyi kusvika vanhu vakapambwa neHamas vadzoswa.
Hurumende yeAmerica yakatara Hamas sechikwata chematororo.
VaNetanhayu vataura izvi panguva iyo mutungamiri wekereke yeRoman Catholic, Pope Francis, vakapa chikumbiro chekuti hondo iyi imbomiswa kuitira kuti vanhu vari muGaza vawane zvikwanisiro zvechikafu nemishonga.
Hurumende yeAmerica kuburikidza namutungamiri wenyika, VaJoe Biden, pamwe negurukota reAmerica rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaAnthony Blinken, vakapawo chikumbiro ichi asi pari zvino hachisati chatambirwa.
Bazi rezvehutano remuGaza, iro rinonzi riri kushanda neHamas, rinoti vanhu vashaya muhondo iyi vanodarika 9,770.
Israel inoti vanhu vashaya muhondo iyi munyika mayo vanodarika 1 400.
Muongorori wezvehupfumi, VaMasimba Kuchera, vanoti zvinosuwisa kuti hondo iyi ichiri kuenderera mberi pasina ari kuda kuimisa.
Vanoti zvakokosha kuti mativi maviri ari kurwisana aya ataurirane uye pave nerunyararo sezvo dzimwe nyika dziri mudunhu reMiddle East, idzo dzinodyidzana neZimbabwe, dzichizogona kupindira muhondo iyi zvichaita kuti mitengo yemafuta ikwire, izvo zvinozokwidzawo mitengo yezvimwe zvinhu munyika zvinozoguma zvaomesera veruzhinji.
"Zvakakosha kuti vatungamiri venyika dzakadayi seAmerica neBritain nemasangano makuru seUnited Nations vasanete kukurudzira mapato maviri ari kurwisana aya kuti ataurirane, pave nerunyararo hondo iyi isati yapindirwa nedzimwe nyika dziri mudunhu reMiddle East," VaKuchera vaudza Studio7.
"Hondo iyi ikapindirwa nenyika dziri muMiddle East dzinotsigira vari kurwa zvinogona kuita kuti mutengo wemafuta ukwire izvo zvichakwidza mitengo yezvekudya, nyanya muZimbabwe, iyo inodyidzana nedzimwe nyika dziri mudunhu iri," VaKuchera vaenderera mberi.
Forum