Accessibility links

Breaking News

Vechidiki Vakawanda Voratidza Kuti Havasi Kuzobuda neHuwandu Kunovhota muSarudzo dzeBy-Election


Vechidiki vakawanda vanoti havasi kutarisira kuzovhota musarudzo dzema by-election gore rino.
Vechidiki vakawanda vanoti havasi kutarisira kuzovhota musarudzo dzema by-election gore rino.

Apo nyika yatarisana nekuitwa kwesarudzo dzema by-election munzvimbo dzekutsiva nhengo makumi maviri neina (24) dzeparamende pamwe nemakanzura dzebato reCitizens Coalition for Change vakadzingwa nevari kuzviti ndivo vakafanobata chigaro chemunyori webato iri, VaSengezo Tshabangu, zvinoratidza kuti vechidiki vakawanda havasi kuzobuda nehuwandu kunovhota.

Mumwe wevechidiki vanoti havasi kuzonovhota ndiVaNicholas Mhlanga vemunzvimbo yeBinga.

"Isu taive takasarudza munhu wedu zvakanaka asi zviri kutishamisa kuti zvanzi haasisiri muparamende. Saka zvinoreva kuti sarudzo muZimbabwe hadzikosheswi. Ndinorambireyi ndichizvinetsa hangu? Ngavangoita zvavanoda vari kutonga."

Wechidiki wekuMpopoma, kuBulawayo, Muzvare Memorry Muponde, vanoti vakaodzwa moyo nekudzingwa kwakaitwa wavainge vavhotera, naizvozvo vari kuzengurira kupamha kunoisa ‘X’ wavo.

Vechidiki vakawanda vakanyoresa kuvhota
Vechidiki vakawanda vakanyoresa kuvhota

"Zvakatibhowa kuti taiti zvapera zvesarudzo, asi tadzokera mazviri zvekare. Chinonyanya kuti ndifunge kusanovhota inyaya yekuti sarudzo yangu yakachengeteka here mwaka uno.

"Asiwo nerimwe divi ndinozvitongesawo kuti ndikarega kunovhota, ndaregera ani nekuti vatungamiri vachasarudzwa, vanenge vachimirirawo neni. Saka hameno, ndichaona kuti ndinoenda here kana kwete musi wa9 wasvika."

Mumwe wevanotungamira vechidiki mubato rinopikisa eCCC, VaStephen Chuma, vanoti bato ravo harisi kufara nekuitwa kwesarudzo idzi.

"Munozviziva kuti zvatisvitsa pano ndezvekuti pane mbavha inonzi Sengezo Tshabangu irikuda kuba zita reCCC nehutungamiri hwese. Vechidiki vakaita sarudzo yavo ine mutsindo musi wa23 August, asi izvi zvave kuda kudzoswa kumashure. Hatidi humbavha hwakadai."

Asi wechidiki webato reZanu PF, VaPeter Matangi, vanokurudzira vechidiki kuti vabude nehuwandu hwavo kunovhota.

"Kuvhota chinhu chakanaka nekuti mukana wekuti tikwanise kunosarudza vanhu vatinofungira kuti vanogona kumirira zvatinoda sevechidiki. Kurega kunovhota zvinoreva kuti tinenge taisa hupenyu hwedu hwemangwana mumaoko evamwe vanhu. Saka ndiri kuti kune vechidiki vose, handei nehuwandu hwedu hwese tinosarudza vatungamiri vatinoda."

Vechidiki vachinyoresa kuvhota.
Vechidiki vachinyoresa kuvhota.

Wechidiki anowongorora nyaya dzevamwe vake vechidiki ari kusangano reWHISPERS, Muzvare Caroline Mutimbanyoka, anoti kunyange vakaodzwa moyo, vechidiki vanofanira kudzokera kunosarudza vatungamiri vavanoda.

"Ndinozviziva kuti variko vechidiki vatoramwa kuenda kunovhota, asi ndinoti musaore moyo. Izvozvi zviri kuitika zvakanga zvakanangana nekukuodzai moyo, kuitira kuti vari kuzviita vawane ruoko rwepamusoro. Asi zvakakosha kuti tibude nehuwandu tinodzosera vatungamiri vataive tambovhotera."

Asi kunyange Muzvare Mutimbanyoka vachipa kurudziro yakadaro, imwewo nyanzvi yechidiki inowongorora zvematongerwo enyika vachishanda nesangano reZimbabwe Democracy Institute, VaStanford Nyatsanza, vanoti havaoni vechidiki vachibuda nehuwandu kunovota.

"Handioni sekuti vechidiki vachabuda vachinovhota musarudzo idzi nekuti vamwe vavo havachaoni chekunovhotera, nekuti pamwedzi mitatu, vavakavhotera vakabiditswa muparamende. Vari kuzvibvunza kuti kunyange tikapamha kuvhota, zvakaitika apa hazvizodzokorodzwe here. Nekudaro, handioni vachinovhota vechidiki."

Vamwe vechidiki vakawanda vataura neStudio 7 vati kuenda kusarudzo kepiri kupedza nguva nekuti vavanosarudza vanozobviswa pazvigaro zvavo.

Nhengo dzeCCC dzechidiki dzekuBulawayo ndidzo dzakawanda dzakadzingwa naVaTshabangu mudare reparamende zvazokonzera kudzokorodzwa kwesarudzo kuchaitwa musi wa 9 Zvita gore rino.

Dare rekutambira mazita evachakwikwidza, re Nomination Court, ragara nhasi mumatunhu ose akatarisana nesarudzo idzi richitambira mazita evachada kukwikwidza.

Matunhu ane sarudzo dzeparamende anosanganisira Cowdry Park kuBulawayo, kuBinga North neMabvuku-Tafara muHarare.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG