Accessibility links

Breaking News

Hondo yeIsrael neHamas yoEnderera Mberi Mamwe Masangano emuNyika Achati Haasi Kufara neRwirikuitwa kune Vanhuwo Zvavo Vasiri Kurwa


Vanhu vemuGaza vachitiza hondo.
Vanhu vemuGaza vachitiza hondo.

Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica, VaAnthony Blicken, vazivisa kuti nyika yavo nedzimwe nyika dziri mugungano reG7 vanotsigira danho rekuti pave nenzira yekuti hondo pakati peIsrael neHamas imbomiswa kwenguva duku kuitira kuti pawanikwe nzira dzekuendesa rubatsiro kune avo vari muGaza vari kutarisana nenzara nekushaikwa kwemishongo nezvimwe.

VaBlinken vataura izvi kumusangano weG7 urikuitirwa kuTokyo muJapan. Hurumende yeAmerica yakatara Hamas sechikwata chematororo. Asi mutungamiri weIsrael, VaBenjamin Netanyahu, nezuro vakazivisa kuti havasi kuzomisa hondo iyi kusvika vanhu vakapambwa neHamas vadzoswa.

Bazi rezvehutano remuGaza iro rinonzi riri kushanda neHamas rinoti vanhu vashaya muhondo iyi vanodarika zviuru zvipfumbabwe nemazana manomwe nemakumi manomwe, 9,770. Ukuwo Israel inoti vanhu vashaya muhondo iyi munyika mayo vanodarika chiuru nemazana mana, 1 400.

Mamwe masangano ari muZimbabwe anosanganisira Almagamated Rural Teachers Union Of Zimbabwe, Friends Of Palestine neZimbabwe Labour Center azivisawo kuti achange achiratidzira nemusi weMugovera muHarare achiratidza kusafara kwawo pamusoro pezviri kuitika muPalestine. Masangano aya ari kutarisirwa kuendasa gwaro renyunyuto kusangano reUnited Nations.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vari mudzidzisi paTswane University of Technology muSouth Africa, Muzvinafundo Ricky Munyaradzi Mukonza, vanoti zvakakosha kuti pawane vayananisi vanotaura nemapoka maviri ari kurwisana aya kuitira kuti amise hondo pave nerunyararo sezvo hupenyu hwevanhu huri kuramba huchirasika nehuhwandu kumativi ese.

Vaenderera mberi vachiti zviri kuvakatyamadza kuti mamwe masangano emunyika achange achiratidzira achitsigira Palestine sezvo pane matambudziko akawanda akatarisana nenyika pari zvino asi vazhinji havakwanise kuratidzira vakanangana nezvichemo zvemo sezvo vachitya hurumende.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG