Accessibility links

Breaking News

Hondo Pakati peIsrael neHamas Inoenderera Mberi Kunyange Paine Zvikumbiro Zvekuti Imbomiswa


Mhuri dzevePalestine fdzichitiza hondo muGaza City.
Mhuri dzevePalestine fdzichitiza hondo muGaza City.

Gurukota rezvekudyidzana kweAmerica nedzimwe nyika VaAnthony Blinken, vatsinhirwa kuti nyika yavo icharamba yakatsigira Israel muhondo yayo neHamas.

Hurumende yeAmerica yakatara Hamas sechikwatqa chematororo.

VaBlinken vakataura izvi kumucheto wemusangano mukuru wegungano reG7 uri kuitirwa kuTokyo muJapan.

Bazi rezvehutano remuGaza, iro rinonzi riri kushanda neHamas, rinoti vanhu vashaya muhondo iyi vave kudarika zviuru gumi zvine mazana mashanu.

Israel inoti vanhu vashaya muhondo iyi munyika mavo vanodarika chiuru nemazana mana.

Nyanzvi mune zvehupfumi uye vari mudzidzisi DeVry University muno muAmerica kuOhio, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti zvakakosha kuti nyaya yekukurudzira kumiswa kwehondo irambe ichitaurwa kunyangwe zvazvo mativi maviri eIsrael neHamas ari kurwisana asati atambira kurudziro iyi.

"Zvakakosha kuti mativi maviri aya ataurirane kuitira kuti pave nekumuswa kwehondo sezvo vazhingi vari kufa vasineyi nehondo iyi iri pakati pe Israel neHamas.

"Nyika dzakadayi seAmerica nedzimwe dzinofanirwa kuramba dzichipa chikumbiro chekuti hondo iyi imbomiswa sezvari kuita asi vahafanirwe kuneta,"Muzvinafundo Masocha vaudza Studio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG