Vechidiki vane mabhizimusi achiri kusimukira vanga vari pamusangano wemazuva maviri waikokerwa nemuzinda weAmerica muZimbabwe, vanoti mabhizimusi avo haasi kukura zvakanaka nekuda kwemitemo yemunyika yavanoti inodzvanyirira mabhizimusi.
Mumwe wevari kuchema nekusasimuka kwebhizimusi ravo ndaVaWellington Bakaimani vekuShamva mudunhu reMashonaland Central. VaBakaimani vane sangano ravakavamba reSimuka Upenye, rinobatsira vechidiki munharaunda yavo.
“Ini ndine kambani yangu inobatsira vechidiki vanoita zvemimhanzi kuti vakwanise kutsikisa nziyo dzavo, uyewo ndine kambani inobatsira mukuronga mitambo yakaita semafaro. Zvekare, ndine kambani iri munyaya dzezvekushanyirwa kwenyika.
"Asi zvinonetsa ndezvekuti handikwanisi kunge ndichiita kuti makambani aya ange achishanda zviri pamutemo nekuti handina mari. Pane vagara vari mumabhizimusi aya vakura, vanotitorera mabasa nekuti vakarongeka kudarika isu. Dai hurumende yakwanisa kutidzikisirawo dzimwe mari dzinodiwa kuti tinyorese makambani edu.”
Munyori wemabhuku, uye ari nyanzvi mune zvekuchengetedzwa kwenharaunda, Collins Muzamwese, audzawo Studio 7 pamusangano uyu kuti vechidiki ngavaone kunyora mabhuku senzira yekuwana raramo nayo.
“Unokwanisa kurarama nekunyora mabhuku. Chinodiwa kuziva kuti kana wanyora unofanira kuita sei. Munyori anofanora kushambadza basa rake, anova mabhuku, panzvimbo dzakawanda-wanda, zvikuru sei dzinoshandiswa mazuvano, uyezve nepanhandare dzakaita seAmazon. Ini mabhuku ari kundipa chouviri zvekuti pakupera kwemwedzi wega-wega, ndinotowana chinobatika kubva kwaari.”
Wechidiki akadzoka munyika mazuva mashoma adarika mushure makushandira kunze kwenyika kwemakore gumi nemashanu, Muzvare Chipo Zhou, vanoti vanovimba kuti vachashandisa ruzivo rwavo kusimudzirawo vechidiki vemunyika.
“Kumba kumba. Unoona kuti unenge wabuda kunze uchinosimudzira nyika idzodzo kuti dziende pachidanho chepamusoro, wobva wati rega ndidzokere kumba ndinoona kuti ndingabatsirawo sei kuti ndisimudzire nyika yangu.
"Ruzivo rwandinarwo ndinovimba kuti rwuchandikwanisisa kuti ndibatsirewo vechidiki vane matarenda, uyewo kuti kana ndava kuita basa, ndikwanise kuita kuti nyika yangu iwonekerewo munzvimbo dzinowonekerawo dzimwe.”
Asi gurukota rinoona nezvenyaya dzevechidiki, VaTino Machakaire vati hurumende inokoshesa mabasa anoitwa nevechidiki, naizvozvo ichaedza nepose painogona kugadzirisa nhunha dzvavo.
Zvichakadaro, nhasi musangano uyu wakurukurawo nyaya dzekuchengetedzwa kwevanorwira kodzero dzevanhu pamadandemutande.
Mumwe wevakokwa kukokera hurukuro iyi ndiVaGift Ostalos Siziva, vanove mutevedzeri wemutauriri webato rinopikisa reCitizens’ Coalition for Change.
VaSiziva vaudza Studio 7 kuti pane zvizhinji zvinoda kuitwa kuti indaneti ibatsire kuwanisa vana veZimbabwe ruzivo.
“Kodzero dzevanhu vemuno dzekunge vachiwaniswa zviri kuitika, dzinofanira kuremekedzwa. Izvi zvinoitika kana vanhu vakaziva kuti vane kodzero padandemutande reInternet. Koti zvekare, mitemo yenyika inofanira kubvumidza kuti vanhu vachinjane ruzivo kana mashoko, pasina kutya kuti ndinogona kuzovingwa kumba ndakavata. Chetatu ndechekuti mitengo yeData inofanira kudzika, nekuti kana ikakwira, zvinoreva kuti pane vakawanda vachatadziswa kuwana ruzivo paInternet- kunenge kwava kutyora kodzero dzavo dzekuwaniswa ruzivo.”
Mumwe wevanoona nezvekudyidzana neveruzhinji kumuzinda weAmerica muZimbabwe, Amai Becca Archer-Knepper, vanoti vafara zvikuru nechirongwa chekutanga chemhando iyi chavaronga.
““Tinozviva kuti vakawanda vakapinda muzvirongwa zvedu vari kuita mabasa akasiyana-siyana. Donzvo redu ranga riri rekuti vanhu ava vadyidzane mumabhizimusi avo nekuti tinoda kuona vana veZimbabwe vachishanda pamwechete kusimudzira nyika yavo. Ndiko saka maonawo kuti hurongwa hwese hwaitwa hwanga huchitungamirwa naivo vakapinda muzvirongwa zvedu zvedzidziso, nokuti zvinhu zvavo.”
Musangano weZimbabwe Exchange Alumni Summit wapetwa nhasi muHarare vechidiki vaupinda vachitenda America nekuvapa mikana yekuzvivandudza, uye vachivimbisa kunodzidzisawo vamwe vechidiki vari kunharaunda dzavanobva.
Forum