Musangano uyu waparura zviri pamutemo gwaro rinodonongodza mamiriro akaita chikamu chezvekutorwa kwenhau muZimbabwe, rinonzi State of Media Ethics and Professionalism, iro rakanyorwa nevanyori vanoti Lazarus Sauti pamwe na Mlondolozi Ndlovu.
Gwaro iri rinoti vatori venhau munyika vari kunonga svosve nemuromo izvo zvinogona kuvamanikidza kuti vazotambira mari dzechiokomuhomwe vachiburitsa nhau dzakarerekera kudivi rimwe chete.
Zvimwe zvabudawo mugwaro iri zvinosanganisira kushaikwa kwemidziyo yekushandisa muzvikoro zvinodzidzisa vatori venhau, kushungurudzwa kwevatori venhau, pamwe nekukwira kwemitengo yemasaisai munyika.
Mumwewo mutori wenhau wechidzimai anoshanda akazvimiririra, Mary Mundeya, anoti vatori venhau vanoshandira masangano akazvimiririra vanoshungurudzwa pamwe nekunyimwa mvumo yekupinda muzviitiko zvakasiyanasiyana, kunyanya zvehurumende.
"Hurumende yedu inofanirwa kuchengetedza kodzero dzedu sevatapi venhau, sekuziva kwenyu nhau hatidziwane kudzimba dzedu asi tinodziwana kunze kune vanhu. Kazhinji tinovharirwa kunze nekuda kwekuti hatishandire masangano ehurumende" Mundeya anotsanangura.
Mutungamiri webato rinopikisa reLabor Economists and African Democrats, Muzvare Linda Masarira, vati vatori venhau havasi kutaurawo zvinoitwa nemadzimai kusanganisira vezvematongerwe enyika.
"Semudzimai arimunezvematongerwe enyika tine nyunyuto maererano nekutorwa kunoitwa nhau. Tinoona kazhinji nyaya dzemadzimai kana muri mubepanhau dzinoiswa mukatikati madzisingakwanise kuverengeka" mashoko amuzvare Masarira.
Mutauriri weZanu PF, vari zvakare gurukota rinoona nezvevarwi vehondo yerusununguko, Ambassador Chris Mutsvangwa, vaudza Studio 7 kuti vatori venhau vanofanirwawo kutaura nezve mabasa akanaka anoitwa nehurumende.
"Chishuvo changu kuma journalists ndechekuti ngavatarise mabasa akanaka arikuitwa ne second republic na President Mnangagwa zvikuru panyaya yekuvandudza economy" Ambassador Mutsvangwa vanodaro.
Mukuru wesangano reVoluntary Media Council of Zimbabwe, Va Loughty Dube, vakurudzira vatori venhau kuti vaite basa ravo nemazvo vachichengetedza zvisungo zvekutapwa kwenhau, kana kuti Code of Conduct.
Sangano re VMCZ rinorwira kodzero dzevatori venhau pamwe nekugamuchira nyunyuto dzeveruzhinji pamusoro penhau dzinoburitswa mumapepanhau nenhepfenyuro dzakasiyanasiyana.
Vatori venhau vanogarokurudzira hurumende yeZimbabwe kuti ivandudze mitemo inochengetedza vatori venhau.
Forum