Accessibility links

Breaking News

Vaongorori veMutambo weNhabvu Voti Zimbabwe iri Patambo paMutambo Wayo neRwanda muMakwikwi eWorld Cup Qualifiers


Chikwata chemaWarriors chiri murwanda kumakwikwi e2026 FIFA World Cup Qualifiers.
Chikwata chemaWarriors chiri murwanda kumakwikwi e2026 FIFA World Cup Qualifiers.

Vanoita zvekufembera zvibodzwa zvemitambo yebhejesa pamwe nekupima hudzamu hwezvikwata, avo vanodaidzwa muChirungu kunzi bookmakers, vanoti semaonero avo, Zimbabwe iri kurohwa neRwanda mumutambo wavo wekutanga we2026 FIFA World Cup Qualifiers Group C, uyo uriko mangwana masikati.

Rwanda neZimbabwe dziri kusangana muHuye Stadium muguta reButare muRwanda mangwana nenguva dza 3 masikati.

Vanoita zvekubhejesa ava vari kuti Rwanda iri pamberi mumutambo uyu vachiisira vanoita zvekubheja mitambo mari inoita iyo dhora rimwechete rekuAmerica padhora rega-rega rinenge raiswa neavo vanoti Rwanda inokunda.

Nigeria Super Eagles
Nigeria Super Eagles

Asi vanoti Zimbabwe haina mukana wakanyanya vari kuti ivo vanoda kukanda mari dzavo pachikwata ichi vanowana mari inoita iyo madhora mana emari yekuAmerica kana chikakunda.

Chero pamadandemutande, vari kutevera mitambo uyu vari kupa zvibodzwa zvakasiyana-siyana vakawanda vachiti Zimbabwe inorohwa 1-0, vamwewo vachiti 2-1, kunyange hazvo kune vashoma vari kuti zvikwata izvi zvichaita mangange 1-1.

Mukupimwa kwezvikwata mumitambo yekubhejesa, chikwata chinoisirwa mari shoma ndicho chinenge chaonekwa kunzi chine mukana wakasimba wekukunda., chinenge chichioneka sechisina kusimba ndicho chinoisirwa mari yakawanda, kazhinji kacho kana chakanga chichinzi hachina hudzamu, chinogona kudirirwa mazimari kune vanenge vachiti chinokunda.

Makambani anoita zvekubhejesa mitambo ava vanoshandisa nhoroondo yezviri kuitika nezvakamboitika kubuda nechikwata chavanofunga kuti ndicho chichakunda. Asi mune dzimwe nguva, maonero avo anozobuda akarasika.

VaWellington Mupandare
VaWellington Mupandare

Asi vaimbove maneja wemaWarriors, VaWellington Mpandare, havasi kubvumirana nemafungiro evakawanda, vachiti ivo Zimbabwe haina chekutya paRwanda apa sezvo vakamboikunda.

“Bhora haro muAfrica rasanduka asi hapana chikwata chisingaroveke. Mukatarisa kuti Rwanda takapedzisira kutamba nayo tikairova. Saka handisi kuona chakanyanya kuoma,” vadaro VaMpandare.

Nemutevedzeri wemurairidzi weDynamos, Lloyd Chigove, anotiwo kunyange hazvo Zimbabwe isina kuita gadziriro yakanaka, nemukambawo meRwanda hamuna kunyatsoti twasa.

“Rwanda iyi yaitawo dambudziko rekuti murairidzi wavo uyu arikunzi ane masvondo maviri chete aine chikwata ichi. Haatombonyatdizivawo vatambi vake,” adaro Chigove.

MaWarriors anofanira kukunda mumutambo wekutanga uyu kuti asimudzire rwendo rwavo rwe 2026 FIFA World Cup zvine mutsindo.

Murairidzi wechikwata ichi, Baltemar Brito, aunganidza vatambi vemaWarriors vane mukurumbira kusanganisira Marvelous Nakamba weLuton Town, Tino Kadewere weLyon, Jordan Zemura weUdiness, Admiral Muskwe weExeter, Marshall Munetsi weReims, Teenage Hadebe weHouston Dynamo pamwe naPrince Dube weAzam kuTanzania.

Murairidzi weZimbabwe, Baltemar Brito.
Murairidzi weZimbabwe, Baltemar Brito.

Mutambo weZimbabwe unotevera uriko neNigeria nemusi wesvondo asi muHuye Stadium mekare nekuti Zimbabwe haina nhandare yekushandisa semusha wayo.

Nhandare dzese dzemunyika, kusanganisira National Sports Stadium, dzakaonekwa mushure meongororo neveCAF neFIFA kuti hadzikodzere kutambirwa nhabvu yepamusoro uyezve neve kune dzimwe nyika.

Zvimwe zvikwata zviri mugungano rine Zimbabwe iri iBenin, Lesotho, neSouth Africa.

Nigeria iri pamusha neLesotho neChina, South Africa ichisanganawo neBenin neMugovera.

Zvichakadaro. Vari kuronga mutambo wekugumisira waCharles Manyuchi weGrand Finale muHarare, vazivisa kuti mutambo uyu uchaperekedzwa nemagitare emuimbi Seh Calaz musi wa 25 Mbudzi.

Seh Calaz anoti musi uyu achambosiya zvenziyo dze rudo obatana neidzo dzehondo dzinoenderana naManyuchi nezvaakaita mumutambo wetsiva.

“Kunana Seh Calaz vakawanda. Asi musi

uyu muchange muchiona Seh Calaz asingaridze zverudo asi zvehondo zvinodiwa nezuva racho,” adaro Seh Calaz.

Musi uyu Manyuchi ari kurwa naJimmy Mambundji wekuDemocratic Republic of Congo mumutambo wehuremu weSuper middleweight.

Manyuchi anoti haasi kutya Mambundji asi kuti mushanyi uyu ndiye anofanira kuvhunduka kusangana neshasha.

Charles Manyuchi naCeh Calaz.
Charles Manyuchi naCeh Calaz.

“Asina kutopfava ndini pamutambo iwoyu. Saka zvandinokuvimbisai munozviziva kuti shumba irikumba kwayo nevana inenge ine hukasha hwakadi,” adaro Manyuchi.

Manyuchi anoti aitawo nepake kubika vatambi avo arikutarisira kuti vachaenderera mberi nepaari kusiira

“NeCharles Manyuchi Boxing Academy ndasimudza vatambi vakawanda kusanganisira Brendon Denese uyo ane mukombe wemuAfrica. Ndirikudzorera zvandakatambidzwa neruzhinji ndichishandisa tsiva,” anodaro Manyuchi.

Kunyange hazvo aive avimbisa kuti arikuregedza muna Kubvumbi maneja waManyuchi muzvare Monica Cheru vanoti vakakumbirwa nevateveri vemutambi uyu munzvimbo dzakasiyana siyana kusanganisira kuZambia kuti avape nzwisa yemuwonekedzano.

Manyuchi ndiye mutambi wekutanga muZimbabwe kutora bhande reWBC achizoteverwa naKuda Chiwandire uyo aivewo netesirivha zvekare.

Pari zvino, Manyuchi ane bhande reWorld Boxing Federation rehuremu hwe middleweight.

Muhupenyu hwake, Manyuchi akatora mabhande ehushasha wetsiva anokwana gumi nemitatu.

Manyuchi arikuita mabiko nemugovera kumusha kwake kuChivhu ekupemberera kusvitsa makore makumi matatu nemana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG