Accessibility links

Breaking News

Masangano Anorwira Kodzero dzeVanhu Kusanganisira Amnesty International, Okurudzira Hurumende Kuti Ichengetedze Kodzero dzeVanhu


Nhengo dzeCCC dziri kurufu rwaVaMasaya kuMabvuku.
Nhengo dzeCCC dziri kurufu rwaVaMasaya kuMabvuku.

Sangano rinorwira kodzero dzevanhu pasi pose, reAmnesty International pamwe nemamwe masangano maviri anoshandira mudunhu rekuchamhembe kweAfrica, anoti Southern Africa Human Rights Defenders Network, neHuman Rights Watch, abudisa gwaro rinokurudzira hurumende yeZimbabwe kuti ichengetedze kodzero dzevanhu munyika.

Gwaro iri rinouya panguva iyo huwandu hwevatsigiri vemapato ezvematongerwo enyika vari kurohwa, kupambwa ne upondwa nevanhu vanofungidzirwa kuti vasori vachishanda nenhengo dzeZanu-PF huri kukwira.

Nemusi weMugovera svondo rapera mumwe mutsigiri webato rinopikisa reCitizens' Coalition For Change (CCC), Bishop Tapfumaneyi Masaya, vakapambwa mumusha weMabvuku nevanhu vanofungidzirwa kuti vasori vachishanda nenhengo dzeZanu-PF, mutumbi wavo ukazowanikwa kuCleveland pedyo neMabvuku.

Kupondwa kwaBishop Masaya kunouya mazuva mashoma zvichitevera kupambwa nekurohwa zvakaipisisa kweimwe nhengo yeParamende inomirira CCC, VaTakudzwa Ngadziore, avo vakapambwa kubva pamba pavo vakazowanikwa kumasango eku Christon Bank.

Masangano anorwira kodzero dzevanhu aya anoti panofanirwa kuumbwa chikwata chevaongorori vakazvimirira kuti vatarise zvose zvakaitika kuna Bishop Masaya.

Vanoti zvichitevera sarudzo dzakaitwa muna Nyamavhuvhu, mauto, mapurisa nevasori vehurumende vari kurova, kupamba nekuponda vanorwira kodzero dzevanhu, vanoita zvematongerwo enyika pamwe ne vatsigiri vebato guru rinopikisa, reCitizens Coalition For Change.

Masangano aya ati pane zvinhu zvitatu zvaanokurudzira kuti hurumende iite achiti inofanirwa kuti iongorore zvakadzama nyaya yekupambwa nekupondwa kwaBishop Masaya, nevamwe vose vezvematongero enyika vakashungurudzwa nenzira iyi.

Atizve vese vanowanikwa vaine mhosva yekutyora kodzero dzevanhu vanofainrwa kuti vasungwe, vatongwe uye vaiswe mujeri kana vakawanikwa vaine mhosva.

Chechitatu chinodiwa nemasangano aya ndechekuti hurumende ichengetedze nekusimudzira kodzero dzevanhu zvakasimba muZimbabwe.

Nyanzvi mukurwira kodzero dzevanhu vari gweta, VaKennedy Masiye, vanoti zviri pachena kuti hurumende iripo iko zvino iri kutyora kodzero dzevanhu kupfuura zvaiitwa nehurumende yaimbovapo kare.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG