Accessibility links

Breaking News

E-U Inoburitsa Gwaro reKupedzisira Riri Pamusoro peSarudzo dzeZimbabwe Rinokurudzira Kuti ZEC Ishande Yakazvimirira


Chikwata chakaongorora sarudzo dzemuZimbabwe, che E-U, chaita musangano wepadandemutende wekuparura gwaro rekupedzisira.
Chikwata chakaongorora sarudzo dzemuZimbabwe, che E-U, chaita musangano wepadandemutende wekuparura gwaro rekupedzisira.

Chikwata cheEuropean Union chakaongorora sarudzo dzakaitwa muna Nyamavhuvhu munyika chinoti Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, haina kufambisa sarudzo idzi sezvinotarisirwa uye European Union haisi kuzoramba ichitsigira Zimbabwe nemari yekufambisa nyaya dzinobata sarudzo.

Asi ZEC inoti yakatevedza mitemo yese inobata sarudzo.

E-U EOM-Zimbabwe
E-U EOM-Zimbabwe

Vachitaura nevatori venhau padandemutande vari kuBrussels, kuBelgium, uko kune muzinda wesangano remubatanidzwa wenyika dziri mugungano reEuropean Union, mukuru wechikwata cheE-U chakaongorora sarudzo, VaFabio Masimo Castaldo, vati changa chiri chishuwo chavo kutura mashoko ari mugwaro iri vari muZimbabwe sezvinongoitwa kunyika dzimwe dzese, asi hurumende yemuno yakavaisira gokora.

Vati pane zvizhinji zvinoda kuitwa nehurumende yeZimbabwe kuti sarudzo dzinotevera dzive dzakachena.

“Kune mitemo yakawanda inoda kuvandudzwa uye kutevedzwa mungva yesarudzo, isina kunge yatevedzwa neZEC. Iyowo ZEC, ngaisaita kuti inge iine divi rayakarerekera mubasa rayo. Mitemo munyika yakafanana neMOPA, ngaiyenzanise munhu wese. Kusarudzwa kwevashandi veZEC nevatongi vematare epamusoro kunofanira kuitwa nenzira yekuti havavi nedivi ravanorerekera.”

VaCastaldo vatiwo danho rakatorwa neEuropean Union, rekumbomira kuwanisa ZEC mari ine chekuita nesarudzo, richaramba rakadaro kusvika iyo ZEC yava kuita sarudzo ichitevera mitemo yese ine chekuita nesarudzo.

Justice Priscilla Chigumba , sachigaro veZEC.
Justice Priscilla Chigumba , sachigaro veZEC.

Asi mutauriri weZEC, VaRodney Kiwa, vati sarudzo dzakaitwa nemazvo.

“Isu seZEC takatevedzera mitemo inotitungamira pakuti tinosarudza sei vatungamiri vedu munyika. Tinoramba zvachose kuti patakaita sarudzo idzo taive tiine divi ratakarerekera. Handisati hangu ndariona gwaro ravatura- kana ndarinzvera zvizere, ndichawedzera hurukuro nemi- asi isu sekomisheni tinoti basa takaita nemazvo.”

Mutauriri webato reCitizens Coalition for Change, VaPromise Mkhwananzi, vaudza Studio 7 kuti gwaro rechikwata cheE-U rekupedzisira iri rabaya dede nemumukanwa.

“Hapana kana mumwe chete anoti sarudzo dzakaitwa zvakanaka nekuti kunyange masangano anosanganisira reSADC, A.U nereJimmy Carter Centre, ese akataura kuti sarudzo idzi dzakakundikana kusvika pachikamu chaitarisirwa. Zvese izvi zvakakonzereswa neZEC.

"Nyaya iyi ngairambe ichitaurwa, kuchitsvagwa kuti ingagadziridwa sei. Panyaya yekunyimwa kweZEC mari yekushandisa musarudzo, ndinoti E.U yagona nekuti haingarambi ichiisa mari kusangano risingazoshandisi mari iyi kuita basa rinogutsa ruzhinji, uye richitevedza mitemo yenyika.”

Asi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko mubato riri kutonga reZanu PF, VaFarai Marapira, vanoti European Union iri kutaura zvemugotsi matsuro.

“Isu seZanu PF hatinei nezvataurwa neE.U nekuti ndezvemusoro wavo. Zvekuti havachadi nemari yavo, ngavagare nayo nekuti tinokwanisa kuzviitira sarudzo yedu zvakanaka. Inga maBy-elections tinongoita wani tisina kana mari yavatipa. Panyaya yekuti vanoti sarudzo hadzina kuitwa zvakanaka- chikonzero ndechekuti bhiza ravaida kuti rihwinhe, rakakundwa, saka isu seZanu PF hatinetseki pamusoro pazvo.”

Studio 7 yaedzawo kunzwa divi rehurumende panyaya iyi, asi gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaFredrick Shava, pamwe chete nemunyori mubazi iri, Ambassador James Manzou, vanga vasiri kudavira mbozhanhare dzavo.

Asi mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti sarudzo dzakaitwa pachitevedzwa mitemo yenyika uye hakuna sarudzo dzichaitwa kudzamara muna 2028.

E-U inoti sarudzo hadzina kufambiswa zvakanaka neZEC.
E-U inoti sarudzo hadzina kufambiswa zvakanaka neZEC.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari sachigaro wesangano reThe African Cause Trust, VaElton Ziki, vanotiwo danho ratorwa neE-U harishamisi nekuti sangano iri ragara riine divi rarakarerekera.

“Zvinoda kuti kana vachitsoropodza kusatevedzwa kwemitemo ine chekuita nesarudzo vanange kuti apa neapa hapana kufamba zvakanaka. Asi kana vachiti mitemo haina kutevedzwa, nguva dzese dzinoitwa sarudzo zvinoratidza kuti vanenge vaine vavanenge vachida kuti vakunde, asi zvotadza kufamba saizvozvo, vobva vati ZEC yakoniwa basa. Agara ndiwo maitiro enyika idzi, kunyanya ivo veE.U.”

Asi mukuru wesangano rinoongorora nyaya dzesarudzo rakazvimirira, reZimbabwe Election Advocacy Trust, VaIgnatious Sadziwa, vanoti kusawaniswa mari kweZEC neEuropean Union kunogona kukanganisa basa rekomisheni iyi.

“Tinozviziva kuti ZEC yanga ichinetseka nedzimari dzekuita sarudzo munguva ichangodarika iyi, saka kana E.U ichiti yava kumbomira kupa chikamu ichi mari, zvinogona kukanganisa mashandiro acho. Mhedzisiro ndeyekuti haizoiti basa rayo nemazvo, uye sezvinotarisirwa.”

Mugwaro iri, chikwata cheE-U chakaongorora sarudzo chatiwo mitemo yakafanana neMOPA, uye sangano reFAZ ndizvo zvimwe zvezvakakonzera kuti sarudzo dzisaitwe nemazvo munyika, sezvo paive nekumbunyikidzwa kwekodzero dzevanhu.

Mashoko aturwa neE-U ekuti ZEC haina kuita sarudzo sezvinotarisirwa, ndiwo mamwechete akaturwa nemamwe masangano akauyawo kuzoongorora sarudzo muna Nyamavhuvhu, anosanganisira reSADC, African Union, nereJimmy Carter Foundation.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG