Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weCCC, VaChamisa, Vanoti Vari Kushushikana neKupambwa Uye Kupondwa kweNhengo Dzavo


Mutungamiri weCCC, VaNelson Chamisa vachibata maoko kumhuri yaVaTapfumaneyi Masaya kuMabvuku.
Mutungamiri weCCC, VaNelson Chamisa vachibata maoko kumhuri yaVaTapfumaneyi Masaya kuMabvuku.

Mutungamiri webato guru rinopikisa, reCitizens’ Coalition for Change, VaNelson Chamisa, vashanyira mhuri yenhengo yebato ravo yakapambwa kuMabvuku yakazowanikwa yakapondwa, VaTapfumaneyi Masaya, vachibata maoko pamwe nekuchema nayo.

Vachitaura kuruzhinji rwevanhu rwaungana rwunosanganisira vatsigiri vebato ravo vaunganawo pamba paVaMasaya kuMabvuku masikati, VaChamisa vakurudzira hurumende yeZanu PF kuti itore matanho ekumisa dambudziko rekupambwa, kushungurudzwa uye kupondwa kwenhengo dzebato ravo.

Vati zvinorwadza zvikuru kuti nhengo dzebato ravo dziri kuramba dzichipambwa nekutsakatika asi hurumende yeZANU PF isina matanho ainotora kuferefeta nekugadzirisa dambudziko iri.

"Chinotishamisa ndechekuti hakuna kana mashoko enyaradzo kana kubatawo maoko kwakaitwa neZANU PF nehurumende yayo. Kunyaradzawo mhuri yafirwa kana kuedzawo kugadzirisa kupedza nyaya dzehuipi nekushungurudzwa kwenhengo dzedu" mashoko aVa Nelson Chamisa kuMabvuku-Tafara kunhamo yaVa Masaya.

Mutungamiri weCCC, VaNelson Chamisa.
Mutungamiri weCCC, VaNelson Chamisa.
VaChamisa vati hurumende yeZanu PF haidi kugadzirisa dambudziko iri nekuti ine ruoko munyaya dzekupambwa pamwe nekushungurudzwa kwevanopikisa hurumende, vachishora nyaya dzekuuraiwa kwevanhu nekuda kwezvematongerwe enyika vachiti kunyange mhuka chaidzo hadzidaro.
"Matongerwe enyika haasi emakuva, chero tikaenda kumakudo haana kupata sezvizvi" vanodaro Va Chamisa vachiratidza kushungurudzika.
Asi vebato reZanuPF vanoti vari kungozorwa mafuta enguruve yavasina kudya. Vachipa divi rebato ravo iro riri kupomerwa mhosva dzekupamba vanopikisa, mushandi mukuru muhofisi yezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaFarai Marapira, vanoti bato ravo harishamiswe nemashoko aVaChamisa vachiti CCC yagara inongotaura mashoko emanyepo kusvibisa bato ravo nehurumende iri kutonga.
"Isu sebato ririkutonga reZANU PF hatinyoshamiswa nemashoko aVa Chamisa nekuti ve opposition ndobasa ravo rekutaura zvinhu zvisina kuzadzikiswa vachitaura kwavasina kuswera" Va Marapira vanotsanangura pamire bato reZANU PF.
Vanoongorora nezvematongerwe enyika vari mutungamiri webato re People's Unity Party, VaHebert Chamuka, vanoti ZANU PF inoratidza kuti ine ruoko panyaya dzekupambwa nekupondwa kwenhengo dzeCCC sezvo ine chinangwa chekuparadza bato iri nekuti ndiro bato guru rinopikisa uye rinotsigirwa nevakawanda.
VaTapfumaneyi Masaya
VaTapfumaneyi Masaya
"Nyaya yema abductions, nyaya yekupambwa kwevanhu zvose izvo kunyanya kunhengo dze CCC, ZANU PF ndiyo inoziva nekuti inoziva kuti CCC ndiro bato guru rinopikisa. ZANU PF inotoda kuti CCC iparare panosvika 2028" Va Chamuka vanopa pfungwa dzavo.

Pari zvino hapasati paitwa tsvakurudzo yekuti VaMasaya vakafa sei sezvo ongororo iyi kana kuti postmortem isati yaitwa. VaMasaya vakapambwa svondo rapfuura nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZANU PF pamwe nevasori ndokuwanikwa vakafa kuCleveland pedyo nemugwagwa weArcturus.

Hurongwa hwekuradzikwa kwavo hwanzi huchaziviswa nekufamba kwenguva.

Vamwewo vanoongorora nezvematongerwe enyika nevemasango anorwira kodzero dzevanhu akaita se Amnesty International vari kukurudzira hurumende kuti iongorore nekupedza nyaya dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu zvikuru nhengo dzeCCC.

Kupambwa nekupondwa kwavaMasaya kunouya nguva pfupi dzimwe nhengo dzeCCC dzinosanganisira nhengo yeparamende, VaTakudzwa Ngadziore nevaive mumiriri weMabvuku-Tafara muparamende, VaJames Chidhakwa, dzichangobva kupambwa nekuitwa kafiramberi nevanofungidzirwa kuti vasori.

Muzinda weAmerica muZimbabwe wakaburitsawo mashoko ekushoropodza nyaya dzekupambwa nekupondwa kwevanhu, ukakurudzira hurumende kuti iferefete nyaya idzi zvizere.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG