Accessibility links

Breaking News

Varwere, Vashandi neVanhuwo Zvavo Vanobva paChipatara cheShifa muGaza Mauto eIsrael Achiti Haana Kuti Vabude


Varwere vari muchipatara cheShifa muGaza.
Varwere vari muchipatara cheShifa muGaza.

Varwere, vashandi nevamwe vakatiza misha yavo vari kubva pachipatara cheAl Shifa chiri muGaza paine mashoko ari kupikisana ekuti Israel yapa chipatara ichi awa imwechete yekuti vanhu vabve.

Varwere vari kurwarisa zvekutadza kufamba vasara nevashandi vashoma shoma.

Mauto eIsrael aramba mashoko ekuti audza vanhu kuti vabve muchipatara cheShifa, icho chinove chipatara chikuru chemuGaza.

Achiramba mashoko aya mugwaro raaburitsa, mauto eIsrael Defense Forces ati haana kumbobvira ati varwere kana vashandi, kana ani zvake abve, kanawo kuti mauto achatungamira kubviswa kwevanhu.

Mauto aya ati akataura nemukuru wechipatara pamusoro pekuwanisa mukana wakachengetedzeka wekubuda kune avo vanoda zvavo kubva pachipatara ichi.

Sangano renhau reAgence France-Presse rati Israel yapa chipatara cheShifa awa imwechete yekuti vanhu vabve.

Israel inofunga kuti chipatara cheShifa chiri kuchengeta mauto echikwata cheHamas, icho chinonzi nehurumende yeAmerica ndechematororo.

United Nations inoti varwere, vashandi pamwe nevanhu vemuPalestine vakatiza misha yavo vanodarika zviuru zviviri vakanga vari muchipatara ichi vakachengetedzeka apo pakapinda mauto eIsrael muchipatara ichi neChitatu.

Bazi rezvehutano muGaza, iro rinoshanda neHamas, rinoti vanhu vanodarika zviuru gumi nechimwe vafa muhondo iri pakati peIsrael neHamas.

Israel inotiwo vanhu vanodarika chiuru nemazana mana vafawo munyika iyi.

Forum

XS
SM
MD
LG