Accessibility links

Breaking News

Chikwata chemaWorriors Chosangana neNigeria neSvondo muMutambo wePiri weFIFA 2026 World Cup Qualifiers kuRwanda


Zimbabwe Warriors
Zimbabwe Warriors

Chikwata chenhabvu chenyika chevanhurume, chemaWarriors, mangwana masikati chiri kupinda munhandare yeHuye Stadium muButare kuRwanda chiine tarisiro yekukunda Nigeria, iyo inonzi nevamwe yarasika nzira yayo munhabvu yepasi rese.

Zimbabwe neNigeria dziri mugungano reGroup C iro rine Benin, Lesotho neSouth Africa.

Chikwata ichi chiri kupihwa manyawi nekutatarika kwakaita Nigeria musi weChina apo yakaita mangange 1-1 neLesotho, izvo zvaive zvisingatarisirwe nepasi rese.

Chakanyanya kushamisa veruzhinji ndechekuti mangange aya akaitirwa muLagos, muNigeria makare, umo Nigeria yaitarisirwa kurakasha Lesotho, iyo isina mbiri munyaya dzenhabvu.

Super Eagles
Super Eagles

Zimbabwe haisati yamborova Nigeria kana mumutambo mumwechete zvawo kubvira muna 1980 apo maWarriors akatanga kukwikwidzana nedzimwe nyika.

Asi vaimbove Maneja wemaWarriors, VaWellington Mpandare, vanoti hapana chikwata chisingaroveke pasi rino.

“Hakuna chikwata chisingadyike. Ukatarisa kuti Nigeria ine vatambi vanogona chaizvo, asi havakwaniss kutamba vese sechikwata. Mutambo unokwanisa kuenda chero kwawaena,” vadaro VaMpandare.

Mutsigiri wenhabvu, VaBoswell Marimo, vanoti kana Nigeria ichiita mangange neLesotho, hapana chinotadzisa Zimbabwe kuikunda.

“Isusu tiri pamberi nekuti neLesotho. Ndinofunga kuti tinodarika pa 1-1 yeLesotho apa, “ vanodaro VaMarimo.

Mukusarudza chikwata chake, murairidzi weZimbabwe ane vatambi vanoti Jordan Zemura naAndy Rinomhota, avo vakanonoka kusvika pamitambo neRwanda uyo wakapera ari mangange 0-0.

Pamusoro pezvo, ane vamwe vatambi vane mukurumbira vakaita saMarvelous Nakamba, Marshall Munetsi, Tino Kadewere naTeenage Hadebe, avo vanotambira mhiri kwemakungwa.

Nigeria ichange isina mutambi wayo ane mbiri, Victor Osimhen weNapoli kuItaly, uyo akakuvara achitambira chikwata chake muSerie A.

VaWellington Mpandare
VaWellington Mpandare

Mumwe mutsigiri wemutambo wenhabvu, VaKudzai Bere, vanoti Zimbabwe ndizvo.

“ Tinokunda Nigeria. Matambiro ayakaita neNigeria, nematambiro ayakaita kuReanda, zvirikuratidza kuti isusu ndisu takadziya,” vadaro VaBere.

Mune mumwe mitambo weGroup C watambwa neMugovera, South Africa yarova Benin 2-1 mumutambo wenyika idzi wekutanga watambirwa mu Moses Mabhida Stadium, muSouth Africa nhasi masikati. Izvi zvave kureva kuti South Africa ndiyo yave pamusoro petafura mugungano iri nemapoinzi matatu.

Asi chikwata chinokunda mumutambo wemangwana uyu ndicho chinobva chaenda pamusoro petafura yegungano iri nemapoinzi mana asi chatamba mitambo miviri. Zimbabwe haisati yamboenda kumafainari eWorld Cup kubvira muna 1980 apo yakatanga kutamba neve kune dzimwe nyika.

Black Rhinos Football Club
Black Rhinos Football Club

Mitambo yeCastle Lager Premier Soccer League yatambwa neMugovera munyika yaperawo yakadai, Chicken Inn 2-1 Yadah FC Platinum 1-1 Hwange Black Rhinos 3-2 Sheasham ZPC Kariba 1-1 Simba Bhora Ngezi Platinum 3-1 Cranborne Bullets Triangle United 1-1 red Caps United Dynamos 1-0 Green Fuel.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG