Accessibility links

Breaking News

Vateveri veMutambo weNhabvu Vanoti Zimbabwe Ine Mukana weKubudirira Kuenda Kumakwikwi eFIFA 2026 World Cup


Chikwata Che Ma Warriors
Chikwata Che Ma Warriors

Vateveri vemutambo wenhabvu vanoti Zimbabwe inokwanisa kubudirira kuenda kumakwikwi eFIFA 2026 World Cup kana ikagadzirisa zviri kunetsa muchikwata ichi.

Izvi zvinotevera kutora mapoinzi maviri kwakaita chikwata chemaWarriors pamitambo yacho miviri neRwanda neNigeria.

Zimbabwe yapinda pachinhanho chechitatu mugungano reGroup C iine mapoinzi maviri, yakaenzana neNigeria, iyo iri pachinzvimbo chechipiri.

Izvi zviri kuuya mushure mekunge Zimbabwe yakaita mangange 0-0 neRwanda ndokutevera nemamwe mangange e 1-1 neNigeria neSvondo mumutambo uyo munyori wemutambo wenhabvu, Admire Muhimeke, anoona kunge Zimbabwe yaifanira kukunda.

“Mukuita mangange neNigeria hazvifadze nekuti Nigeria yapera, haisina bhora zvachose. Kana ichiita mangange neLesotho, tanga tichifanira kuirova,” adaro Muhimeke.

Asi nhengo yeZimbabwe National Soccer Supporters Association, VaChris Romario Musekiwa, vanoti maWarriors akatamba zvinonwisa mvura asi zvakaramba kuti vakunde.

“Zimbabwe tanga tisingatambe nezvimwe zvikwata kwenguva refu. Nhasi tadzoka tiine simba. ZIFA ngaironge mitambo yekuedzana masimba nezvikwata zvakasimba zvakaita sanaCameroon kana anaPortugal," vadaro VaMusekiwa.

Muongorori wemutambo wenhabvu, VaNazzy Moyo, veReemaz Sports, vanoti sezvo mutambo neNigeria uyu waive uri weZimbabwe wepamusha asi ukatambirwa kuRwanda nemhaka yekuti Zimbabwe haina nhandare dzinokodzera, dai wakatambirwa munyika muno Nigeria ingadayi yakadyiwa.

“Kubva pari zvino kusvika muna June, zvakudikanwa kuti ZIFA nehurumende vagadzirise nyaya yenhandare dzedu nekukasika. Dai takatambira munhandare yedu neNigeria, taikunda,” vadaro VaMoyo.

VaMoyo vanoti Zimbabwe inofanira kugadzirisa nyaya yenhandare iyi mitambo yeWorld Cup isati yadzoka muna Chikumi gore rinouya.

VaMusekiwa vanoti vatungamiri venhabvu vanofanira zvekare panguva ino kuronga mitambo yekuedzana masimba nezvikwata zvine mukurumbira sinzira yekusimbisa maWarriors.

Nhengo yerimwe sangano revatsigiri vechikwata chenhabvu chenyika, reWarriors Friends Club, VaBoswell Marimo, vawedzerawo kuti maWarriors anoda gadziriro yakasimba.

“Gungano ratiri rakaoma asi tave kufanira kutamba nezvikwata zvakaita seNigeria mugadziriro yedu. Tikadaro, tinobudirira," vadaro VaMarimo.

South Africa ndiyo iri kutungamira gungano iri nemapoinzi matatu mushure mekurova Benin 2-1 neMugovera svondo rapera.

Chimwe chikwata chiri mugungano rimwechetero iLesotho, iyo ine poindi imwe chete mushure mekuita mangange 1-1 neNigeria.

Zvichakadaro, Premier Soccer League yazivisa kuti vatambi vakarura mwaka uno, kana kuti Soccer Stars of the Year ,vari kusarudzwa musi wa 28 Mbudzi.

Vatambi ava vachasarudzwa nevatori venhau dzemitambo, makaputeni pamwe nevarairidzi vezvikwata.

Walter Musona weFC Platinum ndiye akatora mukombe uyu gore rapera, achiteverwa naWilliam Manondo weCaps United.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG