Dare repamusoro muBulawayo rapa mutongo wekuti sarudzo dzekuBulilima kuMatabeleland South dzakakundwa naVaDingimuzi Phuti vebato reZanu-PF dzidzokororwe sezvo dzakabirirwa.
VaPhuti ndivo zvekare mutevedzeri wegurukota rezvehumhizha nehumhetura mukufambiswa kwemashoko. Mutongo uyu uoreva kuti vanenge vave kurasikirwa nebasa iri zvakare.
Vakakwikwidzawo musarudzo idzi, Muzvare Bekezela Maplanka vebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change ndivo vakakwira kudare repamusoro vachiramba kutambira zvainge zvabuda musarudzo vachivapomera VaPhuti mhosva yekutenga mavhoti.
Asi VaPhuti vanonzi havana havo kupikisa nyaya yainge yakwidzwa kumatare zvakasiya vatongi vasina rimwe danho rekutora kunze kwekuti vati sarudzo hadzina kufambiswa zvakanaka. Vamwe vakakwikwidza musarudzo idzi ndiVaArtwell Ndlovu vebato reZapu uye VaAleck Moyo vebato reMthwakazi Republican Party.
VaPhuti vaudza Studio 7 kuti vange vasati vanzwa nezvemutongo uyu. Asi Muzvare Maplanka vaudza Studio 7 kuti izvi ndizvo zvaturwa nedare.
Sarudzo dzakaitwa musi wa23 Nyamavhuvhu munyika dzakashorwa zvikuru nevaongorori vesarudzo munyika nekunze.
Vakati sarudzo hadzina kufambiswa zvakanaka vanosanganisira veSADC, African Union, European Union, America nedzimwe nyika. Asi mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanoti dzakafambiswa zvakanaka.
Forum