Nhengo dzerimwe sangano rinomirira vagari vemuguta reHarare, reCombined Harare Residents Association, CHRA, dzamira pamberi pekomiti yeparamende inoona nezvekutongwa kwematunhu, yeParliamentary Portfolio Committee on Local Government, dzichipa humbowo pamusoro pematambudziko akatarisana nevagari muHarare.
Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa muCHRA, VaReuben Akili, vanoti danho iri rinotevera nyunyuto dzakanyorwa nevagari vemisha yeGlen View neMabvuku maringe nekukundikana kwekanzuru kufambisa mabasa muguta.
Vati zvichemo zvasvitswa nevagari zvinosanganisira kushaikwa kwemvura yakachena, kusatakurwa kwemarara, kusagadzirwa kwepombi dzetsvina dziri kuputika dzichierera dzichipinda mudzimba, pamwe nenyaya yekupararira kwechirwere che cholera muguta.
Zvimwe zvasvitswa muparamende zvinosanganisira nyaya yekusarudzwa kwemakanzura eguta reHarare pasi pechikamu cheWomen’s Quota, pamwe nekugadziriswa kwemitemo inoona nezvekutongwa kwematunhu kuti iringaniswe nebumbiro remitemo yenyika, kunyanya Section 77 A, iyo inotaura nezvekodzero kumvura.
VaAkili vanoti komiti yeparamende yavasangana nayo yavimbisa kuti ichanzwawo kubva kumativi ose ane chakuita nekufambiswa kwemabasa muguta reHarare anosanganisira kanzuru pamwe nebazi rezvekutongwa kwematunhu.
Forum