Accessibility links

Breaking News

Apo Gurukota reZvemari Riri Kutarisirwa kuParura Bhajeti ra2024, ZCTU Inoti Inotarisira Kuti Richarerekera Kune Vanoshaya


Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube.
Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube.

Sangano guru rinomirira vashandi munyika, reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, rinoti riri kutarisira kuti bhajeti ra 2024 richaturwa nemusi weChina, 30 Mbudzi, muparamende negurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, richange rakarerekera kune vanhu vanoshaya.

Munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo vaudza Studio 7 kuti sesangano, vanotarisira kuti hurumende ichaisawo mari yakawanda kumabasa anobatsira vanoshaya, kuzvikoro pamwe nekuhutano, sezvo kuri iko kune vanoshaya vakawanda.

“Tinoda kuona zvakare mari ichienda zvakare kuma services anogona kubatsira ku creator mabasa. Ndipo patiri kutarisira iye zvino,” vanodaro VaMoyo.

Vanotiwo vane tarisiro yekuti bhajeti iri richafadzawo vashandi vehurumende panyaya yemihoro yavo, vachiti zvinofadza chose kuti ubatsirwe nemushandi wehurumende anenge achifara.

Asi vanoti chinosuwisa ndechekuti gore rino havana kudaidzwawo kuti vape pfungwa dzavo pamusoro pebhajeti iri, asi vanoti vanodawo kuona vanotambira mihoro iri pasi pe poverty datum line vasingabatirwi mutero.

Bhajeti ra 2024 rinonzi nedzimwe nyanzvi mune zvehupfumi richange richitsigirwa zvakanyanya nemari ichange ichibva kumitero pamwe nezviwanikwa zvemunyika, zvikuru zvicherwa nekurima, sezvo Zimbabwe isiri kukwanisa kuwana mari kubva kunze nekuda kwekukundikana kwayo kubhadhara zvikwereti.

Pakagadzirwa gwaro rebhajeti iri muna Gunyana rainzi raive reZWL$33 trillion, asi nekuda kwekushaya simba kuri kuramba kuchiita dhora remunyika, dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dzave kuriisa paZWL$50 trillion.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG