Israel yatenderana nechikwata cheHamas kuti vawedzere nezuva rimwe chete chibvumirano chekumbomisa kurwisana.
Bazi rezvekudzivirirwa kwenyika reIsrael ranyora padandemutande re X, iro raimbonzi Twitter, kuti izvi zviri kuda kuitwa senzira yekuyedza kuita nhaurirano dzekuti vasungwa nevakatapwa pakati pevari kurwisana ava vasungunurwe.
Asi Israel inonzi yange isiri kufara nevanhu vange vanzi vasungunurwe muhutapwa hweHamas vanosanganisira madzimai manomwe nevana vatatu uye mitumbi yevanhu vatatu vanonzi vakaurayiwa nemauto eIsrael apo aibhomba muGaza.
Hamas inoti vanhu gumi ava ndivo chete vana nemadzimai vasara vari muhutapwa.
Zvichakadaro, gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica, VaAntony Blinken, vaita musangano nemutungamiri wenyika yeIsrael, VaIsaack Herzog, muTel Aviv, vakavaudza kuti runyararo rwunofanira kuenderera mberi nekuti rwabatsira mukuti vakatapwa vasungunurwe.
America inotsigira Israel uye inoona Hamas sechikwata chinopfurikidza mwero.
United Nations inoti vanhu vanosvika miriyoni imwe chete nezviuru mazana masere kana kuti 1,8 million pavanhu mamiriyoni maviri nezviuru zvina vari muGaza vamanikidzwa kuenda muhupoteri.
Nyanzvi yezvehupfumi nekudyidzana kwenyika dzepasi rose uye vachidzidzisa paDeVry University kuOhio muAmerica, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti kuwedzerwa kwekumbomiswa kwehondo nezuva rimwe kwakanaka sezvo kuchiratidza kuti pane mukana wekuti hondo iyi imiswe zvachose.
Vanotiwo kuchapa mukana wekuti vakatapwa neHamas nevamwe vakasungwa neIsrael pahondo iyi vawane mukana wekudzorerwa kumhuri dzavo nehuwandu.
Muzvinafundo Masocha vanoti kuyananiswa kuri kuitwa neAmerica, Qatar neEgypt, nevamiriri veIsrael neHamas, kunofanirwa kuenderera mberi kusvika kwave nurunyararo.
"Zvakakosha kuti vari kuyananisa Israel nechikwata cheHamas varambe vachiita izvi kuti hondo iyi isvike kumagumo pasarambe pane kurasika kwehupenyu hwevanhu vazhinji vasineyi nehondo iyi," Muzvinafundo Masocha vaudza Studio7.
Forum