Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inobatana neNyika dzePasi Rose MuKucherechedza Zuva reWorld Aids Day


World AIDS Day
World AIDS Day

Zimbabwe yabatana nenyika dzepasi rose mukucherechedza zuva reWorld Aids Day, vanoona nezvehutano munyika vachikurudzira kuti pasi rese rirambe rakashinga kurwisana nekupedza denda re HIV/AIDS zvachose pasi rino.

Hurumende kuburikidza nebazi rezvehutano yaitawo gungano rekucherechedza zuva iri kuChinotimba Stadium kuVictoria. Falls.

Mukucherechedza zuva re World AIDS Day 2023, United Nations Programme on HIV/AIDS (UNAIDS) yakatanga chirongwa chinonzi β€œLet Communities Lead - World AIDS Day 2023,” rinova ndiro dingindira regore rino, paine c inangwa chekutsigira mishandirapamwe ine chekuita nekutapudza matambudziko ekushaikwa kwemari, zvikwanisiro uye ruzivo mukurwisana neHIV and AIDS.

Mukuru wesangano re Zimbabwe Aids Council, Doctor Bernard Madzima, vakaudza vatori venhau svondo rino kuti pamusoro pekucherechedza zuva iri, Zimbabwe ichatungamirawo hurongwa hwe International Conference of Aids and Sexually Transmitted Diseases (ICASA) kuburikidza nemusangano uchatanga muHarare musi wa 03 kusvika musi wa 09 mwedzi uno. Vakati vanokurudzira kuti vanhu vasiye rusarura nekuhwanda kana vaine hutachiwana.

Sachigaro wesangano reZimbabwe National Network for People Living with HIV, Va Marshal Makorovodo, vanoti vanoshuvira kuti vatungamiriri venharaunda vatore nzvimbo yavo mukukurudzira zvirongwa zvekurwisana ne HIV/AIDS.

Murapi wechivanhu vari nhengo yesangano re ZINATHA, Sekuru Soza, vanoti mishonga yechivanhu yaitawo basa guru mukurerutsa ndima yekurwisana ne denda re HIV and AIDS.

Mumwe murwiri wekodzero dzevanhu vanorarama nehutachiwana hwe HIV and AIDS, vachishanda ne sangano re ZVANDIRI, Muzvare Phyllis Mavushe, vanoti nyaya dzerusarura dzave shoma munyika.

Zimbabwe inonzi ine vanhu miriyoni nemazana matatu ezviuru, (1.3 million), vari kurarama neHIV/AIDS uye pavanhu ava, miriyoni nemazana maviri ezviuru (1.2 million) vanonzi vari pamishonga.

Pasi rose, vanhu vari kurarama neHIV vanosvika mamiriyoni makumi matatu nemapfumbabwe, 39 million, uye kubva pakatanga kuzivikanwa HIV muna 1984, vanhu vanodarika mamiriyoni makumi mana nechidimbu, 40.4 million, vafa nechirwere ichi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

​
XS
SM
MD
LG