Accessibility links

Breaking News

Kudhura neKushaikwa kweFotereza Kwomanikidza Vamwe Varimi Kushandisa Manyowa eMombe


Murimi wekuBanket, VaRichard Kapungu, vanoti vachashandisa mufudze wemombe mwaka uno.
Murimi wekuBanket, VaRichard Kapungu, vanoti vachashandisa mufudze wemombe mwaka uno.

Vamwe varimi vanoti vave kushandisa mufudze wemombe kuisa mumunda nekuda kwekushaikwa uye kudhura kwefotereza munyika, vamwewo vachiti mashoko ekuti mwaka uno hakuna mvura yakawanda munyika ari kuvawodza mwoyo.

Varimi ava vanoti fotereza shoma iri kuwanikwa muzvitoro iri kuvadhurira zvakanyanya, vachiti saga refotireza rinorema makirogiramu makumi mashanu, kana kuti 50 kilograms rave kutengeswa nemadhora ekuAmerica ari pakati pemakumi matatu nemashanu, kana kuti US$35.00 kusvika pamadhora makumi mashanu kana kuti US$50.00.

Kunyange vari kuyamurwa kurima pasi pezvirongwa zvehurumende vanonzi vari kuwaniswa mbeu pasina fotereza zvichinzi vachazopihwa.

Mumwe murimi wekuBanket mudunhu reMashonaland West, VaRichard Kapungu, vanoti vari kushandisa mufudze wemombe sezvo vasina mari yekutenga fotireza.

VaRichard Kapungu.
VaRichard Kapungu.


“Tave kutotsvaka mufudze kuisa mumakomba matinodyara chibage sezvo fotireza yave kutidhurira” VaKapungu vanotsanangura.

Mumwe mugari wekuWedza mudunhu reMashonaland East, VaCremio Matinyarare, vanoti ivhu renzvimbo yavo haripe gohwo rakanyanya kana rikasaiswa fotireza.

VaMatinyarare vanoti vachamanikidzwa kurima ndima diki sezvo vasina mufudze wakawanda nekuda kwemombe dzavo dzakafa nechirwere cheJanuary Disease makore mashoma apfuura.

“Gore rino tichatorima ndima diki nekuti tichashandisa mufudze unove mushoma sezvo mombe dzakawanda dzakafa ne zvirwere “VaMatinyararire.

Mukuru werimwe sangano rinomiririra varimi, reZimbabwe Farmers Union-ZFC-VaPaul Zachariah, vanoti varimi vanokwanisa kurima vachishandisa mufudze kana ivhu repachuru kana pasina fotereza.

“Varimi havangatadze kudyara vachiti hakuna fotireza. Vanogona kuisa mufudze wemombe kana ivhu repachuru chairo," VaZacharia vanopa pfungwa dzavo.

Izvi zvinotsigirwa nemutungamiri werimwe sangano rinomiririra varimi, reZimbabwe Intergrated Commercial Farmers Union, Amai Maiwepi Jiti, avo vanoti kushaikwa kwefotereza kunoderedza gohwo remurimi sezvo mufudze wemombe usingashande zvakanaka gore raunenge waiswa mumunda.

Munyori mukuru mubazi rezvekurima, Muzvinafundo Obert Jiri, vanobvuma kuti fotereza haingakwanire munhu wese munyika nekudaro hurumende yakatendera vanhu vanemari dzavo kuti vatenge fotireza kunze kwenyika vasingabhadhare mutero kana kuti import duty.

Fotereza.
Fotereza.


“Hongu fotireza hainga kwanire munhuwese ndosaka takabvumira vane mari dzavo kuti vanotenga kunze kwenyika vasingabhadhare mutero” VaJiri vanozivisa

Panyaya yekuti vamwe vanhu vari kupihwa makirogiramu maviri chete efotireza pasi pezvirongwa zvehurumende vachinzi vagovane sezvo mbeu ichiuya iri muzvipakiti zvemakirogiramu gumi, Muzvinafundo Jiri vanoti zviri muhurongwa sezvo dzimwe ndima dziri diki.

“Pane ndima diki dzinoda mapakiti madiki emakirigiramu maviri asi vakawanda havazvizive vanofunga kuti ndima dzinotangira pamakirogiramu gumi echibage”VaJiri vanotsanangura

Hurumende yakazivisa muchinyorwa chayo kuti vanhu vanokwanisa vatenge fotereza kunze kwenyika sedanho rekuyamura makambani anogadzira fotereza ayo ari kutadza kugadzira fotireza inokwanira munhu wese.

Apo vamwe varimi vari mubishi kumhanya-mhanya nekutsvaka mbeu nefotereza, vamwe vari kuti havasi kuzorima ndima huru vachiti vari kuteerera yambiro yekuti gore rino kune mvura shoma.

Varimi vave kutochera makomba vachiisa mufudze.
Varimi vave kutochera makomba vachiisa mufudze.

Murimi wekuHurungwe, VaShepherd Raviro, vanoti vachateerera yambiro yebazi rinoona nezvemamiriro ekunze yekuti mvura ichange iri shoma gore rino.

“Hanzi gore rino mvura ishoma ticharima ndima diki kuti tisarasikirwe nemari yakawanda” VaRaviro vanopa pfungwa dzavo

Asi mumwe murimi wekuMahusekwa mudunhu reMashonaland East, VaAlexanda Jimu, vanoti havateerere zvinotaurwa nevanoita zvekufungidzira mamiriro anenge akaita kunze.

VaJimu vanoti chakatanga ndicho chakachenjedza vachiti rimwe gore vakamboteerera vakasarima asi mvura ikazonaya zvakanaka vainge varima vakawana goho guru.

Bazi rinoona nezvemamiriro ekunze reMeteorological Services Department kana kuti MSD, rakatozivisa kare kuti munyika muchange muine mvura shoma mwaka uno. Vamwe varimi vatotanga kuchema chema kuti mvura yanonoka kuturuka.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG