Mapurisa muBulawayo anonzi arambidza misangano mitatu yebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change yekutsvaga rutsigiro yanga ichifanirwa kuitwa neSvondo kuCowdry Park, Nketa neMakokoba ichitungamirwa nemutungamiri webato iri VaNelson Chamisa pamberi pesarudzo dzema by-elections, idzo dziri kutarisirwa kuitwa neMugovera svondo rinouya.
Nhengo yeCCC ichakwikwidza yakamirira bato iri mudunhu reCowdry Park, VaPashor Sibanda, vaudza Studio 7 kuti mapurisa avapa zvikonzero zvekuti bato reZanu PF rave kuzoitawo musangano waro mukuru musi mumwechete wavanga vachifanirwa kuita misangano yavo mitatu iyi.
Nhengo yeCentral Committee yeZanu PF, VaJoseph Tshuma, vaudzawo Studio 7 kuti vakafanobata chigaro chemutungamiri weZanu PF uye nyika, VaConstantino Chiwenga, vachange vari muBulawayo neSvondo uko vachitungamira musangano wekutsvagira nhengo dzebato ravo dzichakwikwidza musarudzo idzi rutsigiro.
Hatina kukwanisa kunzwa divi remapurisa sezvo takundikana kubata mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi.
Mutauriri weCCC, VaPromise Mkwananzi, vanoti nhengo dzebato ravo dziri kushungurudzwa nemapurisa nekunyimwa mukana wekusangana.
Vanoti nhengo dzeZanu PF dziri kuvhiringidzawo misangano yavo yekutsvaga rutsigiro pamwe nekushungurudza uye kutyisidzira nhengo dzavo.
Asi VaMkwananzi vanoti kunyange vari kusangana nezvimhingamipinyi, vachakunda zvakare musarudzo dzema by-election idzi vachidzosa zvigaro zvavakabvutirwa neZanu PF.
Asi mushandi mukuru muhofisi yezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaFarai Marapira, varamba mashoko ekuti bato ravo riri kushungurudza vanopikisa pamberi pesarudzo idzi, vachiti hazvivashamisi sezvo rwuri irwo rwiyo rwunoimbwa neCCC nguva yesarudzo yose.
Sarudzo dzemusi wa 09 Zvita idzi dziri kuuya zvichitevera kudzingwa kwedzimwe nhengo dzeCCC dzeparamende nemakanzuru nevari kuzviti ndivo vakafanobata chigaro chemunyori mukuru muCCC, VaSengezo Tshabangu.
Forum