Imwe nhengo yebato rinopikisa uye VaSilvester Chiundiza vanova sekuru wameya weEpworth Muzvare Anna Sande avo vakadzingwa nevari kuzviti ndivo munyori mukuru webato iri VaSengezo Tshabangu vanonzi vakapambwa nevanofungidzirwa kuti vasori ndokusiya vaitwa kafiramberi mushure mekumanikidzwa kunwa wavanofungidzira kuti muchetura.
Nhengo dzakawanda dzeCCC dzinoti dziri kupambwa nevamwe vanhu vanozivikanwa kusanganisa vasori asi hapana ati asungwa. Mapurisa anoti achiri kuferefeta nyaya dzacho. Mutauriri weCCC VaPromise Mkwananzi vati zvose zviri kuitwa zvinoropafadzwa nebato reZanu-PF.
Asi mukuru muhofisi yezvekuburitswa kwemashoko mubato reZanu-PF VaFarai Marapira varamba izvi vachiti vanopamba vanhu vakamhan’arirwa vanosungwa. Asi nhengo dzeCCC dzakapambwa mazuva mashoma adarika dzinoti hakuna akasungwa kunyangwe vamwe vasori vakavapamba vachizivikanwa.
Mumwe akapambwa Mufundisi Tapfumaneyi Masaya vakawanikwa vakafa kuMabvuku. Mapurisa akaburitsa mashoko kuvatori venhau achiramba kuti VaMasaya vakaponderwa nyaya dzezvematongerwo enyika.
Forum