Hondo pakati peIsrael neHamas iri kuenderera mberi mauto eIsrael achinzi auraya vanhu vemuPalestine vatanhatu (6) muguta reTubas muWest Bank nhasi.
Izvi zviri kuitika panguva iyo munyori mukuru weUnited Nations VaAntonio Guteres vari kukurudzira kuti nhaurirano dzerunyararo dzitangwezve uye svondo rino vakaudza United Nations Security Council kuti matambudziko ari kusangana nevanhu vari muPalestine achapa kuti kuunza runyararo mudunhu reMiddle East kunetse.
Gurukota rinowona nezvekudyidzana kweIsrael nedzimwe nyika, VaEli Cohen, vakashora kurudziro yekumiswa kwehondo yaVaGuteres, vachiti kumiswa kwehondo kunobatsira Hamas, iyo inonzi neAmerica chikwata chematororo.
Vanhu miriyoni imwe chete nezviuru mazana mapfumbamwe, kana kuti 1,9 million, vanonzi vamanikidzwa kuenda muhupoteri muGaza. Vanhu vanosvika chiuru chimwe chete nemazana maviri, 1,200 vanonzi vakafa muIsrael nekuda kwehondo iyi, ukowo Palestine ichiti vanhu vanosvika zviuru gumi nezvinomwe, 17 000, vafa pari zvino.
Nyanzvi mune zvehupfumi uye vachidzidzisa paDeVry University kuOhio, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti zvakakosha kuti nhaurirano dzekumisa hondo iyi dzienderere mberi.
"Zvakakosha kuti sangano reUnited Nations nenyika dzakadayi seAmerica dzirambe dzichikurudzira runyararo kuitira kuti hondo iyi ipere vanhu vasineyi nehondo vamire kuuraiwa munyika mbiri idzi," Muzvinafundo Masocha vaudza Studio7.
Forum