Accessibility links

Breaking News

Donzvo reKuderedza Kutapuriranwa kweHIV Panosvika 2030 Rotyirwa Kuti Richatadzikwa neKuda kweMitunhu yeKune Makiriniki muMaruwa


Munhu achivhenekwa ropa kuona kana aine hutachiwana hweHIV.
Munhu achivhenekwa ropa kuona kana aine hutachiwana hweHIV.

Donzvo rehurumende rekupedza chirwere cheAIDS muvana vadiki pamwe nekumisa kutapuriranwa kwehutachiwana hweHIV panosvika gore ra2030 rinogona kunetsa kuzadzisa sezvo vagari munzvimbo dzakawanda vari kuti vari kufamba nzendo ndefu kuenda kunotora mishonga yavo yemaARV kana kunoongororwa kana vaine hutachiwana.

Nekuda kwekunonoka kuwana rubatsiro, sangaano reUnited Nations rinoti vanhu vanosvika zviuru makumi maviri, kana kuti 20 000, vakafa gore rapera chete munyika nezvirwere zvine chekuita neHIV/AIDS.

Mumwe mugari ari pachirongwa chekunwa mapiritsi ema ARVs, VaDesmond Kaitano, vanoti vakamborwara zvakanyanya mushure mekunge vatadza kunotora maARV avo kuSt. Michael’s kuMhondoro mudunhu reMashonaland West.

VaKaitano vanoti sezvo kumba kwavo kuri chinhambwe chinoita makiromita makumi matatu, kusvika kwavanowana mishonga, vakashaya mari yekufambisa kuenda nekudzoka inoita madhora mana ekuAmerica kuti vakwanise kunotora mapirits avo.

“Ndakapotsa ndafa apo ndakatadza kunotora mushonga kuchipatara ndisina mari yebhazi, madhora mana akashaikwa mumba,” VaKaitano vanotsanangura.

Izvi zvinotsigirwa nemumwe mugari wekuZhombe mudunhu reMidlands, Amai Susan Mhlanga, avo vanoti vakanonoka kunowongororwa mushure mekunge varwara nejeko nekuti kiriniki yavo iri kure nekwavanogara.

Amai Susan Mhlanga vanoti vakatozonotariswa kuKwekwe vave kutorwara zvakanyanya vakawanikwa vaine hutachiwana hweHIV. Vanoti dai vakakurumidza kuwongororwa vangadai vakakurumidza kuenda pachirongwa chekunwa mapiritsi ekuderedza hukasha hwechirwere.

Vamwe vari kunwa mapiritsi.
Vamwe vari kunwa mapiritsi.


“Ini ndakanonoka kuenda kunoongororwa pandakarwara nejeko, ndakatozowongororwa kuKwekwe apo ndakarwaririsa patotora nguva”Amai Mhlanga vanotsanangura.

Mumwe mukoti mudunhu reHwange kuMatabeleland North, Muzvare Patience Sigauke, vanoti nekuda kwenzendo refu dzinofambwa nevanhu, vave kubatanidza zvirongwa kana vave kuenda munzvimbo dziri kure, kana kuti Integrated Outreach.

“Tave kubatanidza zvirongwa kana tichienda kunzvimbo dziri kure sezvo zvimwe zvirongwa zvisina mari dzakapatsanurwa” Muzvare Sigauke vanozivisa.

Muzvare Sigauke vanoti zvinhu zvave naniwo nekuti vanhu havachabhadhare mari kukiriniki sezvaimboitwa makore mashoma apfuura, danho ravanokurudzira.

Mukuru mubazi rezvehutano mudunhu reMatebeleland North, iro riri pamba yechipiri pahuwandu hwevanhu vanorarama nehutachiwana hweHIV munyika, VaDingaani Ncube, vanoti nzvimbo dzinowanikwa mishonga kana kuongororwa dziri kure nevanhu zvakanyanya.

VaNcube vanoti kugara mumwe ari kwake mumwe kwake kwevanhu vanenge vakaroorana kunowedzera kuti vanhu vaite shamwari dzepabonde dzakawanda zvisingakurudzirwe.

“Kugara kwevanhu vakaroorana vari kure nakure hazvikurudzirwe sezvo zvichizokonzera kuti mumwe azoita shamwari dzimwe dzepabomde” VaNcube vanotsanangura.

Izvi zvinotsigirwa nemukuru weNational AIDS Council, NAC,mudunhu reLupane, Muzvare Phathumusa Moyo, avo vanoti dunhu reUmguza rine mawadhi makumi maviri nemasere, asi riine makiriniki gumi nemana chete.

“Makiriniki ari kure, muno muLupane mune mawadhi makumi maviri nemasere asi muine makiriniki gumi nemana chete”Muzvare Moyo vanozivisa.

Mumwe wevakatanga kubuda pachena kuti vanorwara neHiv/AIDS munyika, Amai Tendai Westerhoff, vanokurudzira madzimai, zvikuru vekumaruwa, kuti vanoongororwa kuti havana hutachiwana hweHIV here kana vave nepamuviri kana kuti vachida kuita pamuviri.

National Aids Council
National Aids Council


“Ndino kurudzira madzimai kuti vaongororwe kuti vane hutachiwana hweHIV here kana vabata pamuviri kana kuti vave kuda kuita pamuviri” Amai Westerhoff vanoyambira.

Mukuru mubazi rinoona nezveHIV/AIDS munyika, reNational Aids Council, Doctor Bernard Madzima, vanoti zvose zvichagoneka vachiti vagari vemunharaunda ndivo vanofanirwa kutungamira munyaya dzekurwisana neHIV/AIDS munzvimbo dzavagere.

Doctor Madzima vanoti mari nezvikwanisiro zvinofanira kupiwa vagari venzvimbo kutsigira dingindira reWorld Aids Day regore rino rinokurudzira kuti nharaunda dzitungamire, kana kuti “Let Communities Lead.”

“Mari nezvikwanisiro zvinofanirwa kupihwa vanhu vemunharaunda sezvo vari ivo vanozvishandisa nekutungamira zvirongwa” Doctor Madzima vanotaura

Zimbabwe iri kuwana rubatsiro munyaya dzezveHIV/AIDS kubva kumasangano akawanda nenyika dzakawanda pasi rose kusanganisira America.

Gore rino chete Zimbabwe yakapihwa mari inosvika madhora ekuAmerica mamiriyoni mazana maviri nemasere kana kuti US$208 million neAmerica, sekutaura kwevakafanobata chigaro chemumiriri weAmerica muZimbambwe, kana kuti US Embassy Charge d’Affairs, Amai Elaine French.

“Gore rino chete America yakayamura Zimbabwe nemari yekurwisa chirwere cheAIDS inosvika madhora ekuAmerica mamiriyoni mazana maviri nesere,” Amai French.

Vanhu vanodarika miriyoni imwechete nezviuru mazana matatu, kana kuti 1.3million, vanonzi vari kurarama nehutachiwana hweHIV munyika yose uye miriyoni imwechete nezviuru mazana maviri vanonzi vari pachirongwa chekunwa mapiritsi ema ARVs.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG