Accessibility links

Breaking News

Dzimwe Nyika Dzinotambira Gwaro reCOP28 Riri Pamusoro peKushanda Pamwe muNyaya dzeKushanduka kweMamiriro eKunze


Musangano weCOP28 uri kuitirwa kuDubai.
Musangano weCOP28 uri kuitirwa kuDubai.

Kumusangano weCOP28 uri kuitirwa kuDubai uri pazuva rekushandiswa kwezviwanikwa, ivhu nenyanza, nyika gumi nesere dzatambira neMugovera gwaro remubatanidzwa weCOP28 riri pamusoro pekushanduka kwemamiriro ekunze.

Gwaro iri rinobata zvakatikomberedza pamwe nevanhu, richibatanidza nyika nekuisa pamwongo nyaya yezvakatikomberedza kuti patorwe matanho munguva yekushanduka kwemamiriro ekunze.

Musangano weUnited Nations uyu, uyo wakatanga musi wa 30 Mbudzi uye uchapera musi wa 12 Zvita, unonzi waona mari inoita $83 billion yakanangana nekubatsira nyika dzisina kubudirira.

Mukuru wesangano rinorwira kuchengetedzwa kwezviwanikwa, reCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, avo vari kupindawo kumusangano uyu kuDubai, vanoti chinhu chikuru kwazvo kuti pave nehomwe yemari yakanangana nenyika dzisina kubudirira.

Asi vanoti mari idzi dzinofanirwa kutarisiswa zvakasimba, kwete kuti dzipiwe dzihurumende sezvo hurumende idzi dzichizivikanwa nenyaya dzehuwori.

VaMaguwu vanoti kumusangano uku kune vakawanda vanoda kudyara mari dzavo munyika maringe nekushanduka kwemamiriro ekunze, asi vanotadziswa nekusajeka kwemitemo pamwe nekusagadzikana kwedhora remunyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG