Mumwe mudzidzi wepaChinhoyi University of Technology, Valentine Ziki anova nhengo anonzi Vakapambwa nezuro nevanofungidzirwa kuti vasori ndokutotchwa zvakaipisisa. Izvi zvakatevera kuratidzira kwakaitika pachikoro apa apo mapurisa airwisana nevadzidzi.
Mutungamiri weZINASU VaEmmanuel Sitima vaudza Studio 7 kuti VaZiki vaendeswa kuchipatara uko vari kurapwa.
Vachinyora padandemutande ravo reX, nheengo yeCCCC, Muzvare Fadzayi Mahere vanova sachigaro wezvedzidzo mudare reparamende mavanomirirazve Mt Pleasant vati VaZiki vaibvunzurudzwa nezvebato reCCC neZINASU nevanhu vakavapamba ava.
Vanoti vakavaudza kuti havazive zvavaibvunzwa zvakapa kuti vadzoserwe mumutokari yainge yavapamba ndokusiya vakandwa npedyo nerimwe zambuko muChinhoyi.
Mutungamiri weZINASU VaEmmanuel Sitima vaudza Studio 7 kuti kupambwa kwevanhu kusanganisira vadzidzi kuri kuvashungurudza zvikuru.
Vati sevanhu vanorwira kodzero dzevanhu, vadzidzi vanoonekwa sevavengi nehurumende. Hatina kukwanisa kunzwa kubva kuvakuru vemapurisa kana vasori panyaya iyi.
Forum