Rimwe sangano rinoona nezvesarudzo reZimbabwe Election Support Network kana kuti ZSN riri kukurudzira kuti bumbiro remitemo rivandudzwe pachikami 129 (k) chinopa mapato ezvematongerwo simba rekudzinga makanzuru nenhengo dzedare reparamende chivandudzwe.
Izvi zvinotevera kudzingwa kwenhengo dzedare reparamende dzakawanda kubva kumapato anopikisa kunyanya zviri kupa kuti nyika irambe ichingoita sarudzo.
Nemusi wesvondo kwakaitwa dzimwe sarudzo dzenhengo dzedare reparamende nemakanzuru mushure mekunge vari kuzviti munyori mukuru webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaSengezo Tshabangu vadzinga nhengo dzeCCC kunyangwe mutungamiri webato iri VaNelson Chamisa vari kuti havasi nhengo yebato iri.
Sachigaro weZESN VaAndrew Makoni vaudza Studio 7 kuti nhengo dzedare reparamende dziri kungodzingwa pasina kunzwawo pfungwa dzevanhu vanenge vavasarudza.
Forum