Accessibility links

Breaking News

Nhengo Dzedare Reparamende yeBotswana Dzoshushikana neHurongwa Hwekuti Pabviswe Magwaro eKufambisa Pakati peNyika Iyi neZimbabwe


Mutungamiri weZimbabwe, VaEmmerson Mnangagwa nemutungamiri weBotswona VaMokgweetsi Masisi.
Mutungamiri weZimbabwe, VaEmmerson Mnangagwa nemutungamiri weBotswona VaMokgweetsi Masisi.

Nhengo dzedare reparamende yeBotswana dzinonzi dziri kushushikana nehurongwa hwekuti zvizvarwa zvenyika iyi nezvizvarwa zveZimbabwe zvisashandise magwaro ekufambisa pakupinda nekubuda munyika mbiri idzi, uhwo hwakaziviswa svondo rapera nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Dzimwe nhengo dzeparamende iyi dzinonzi dziri kuti danho iri rinogona kuita kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvipinde nehuwandu munyika iyi, kanawo kupa mukana kuvapari vedzimhosva avo vanenge voyambuka vachingoshandisa zvitupa chete.

Asi vachiedza kudzikamisa nhengo dzeparamende pamusoro panyaya iyi, gurukota rinoona nezvevashandi mu Botswana, Amai Annah Mokgethi, vakaudza dare reparamende nemusi weChina kuti VaMnangagwa vaingotaurawo zvavanofunga kuti zvakakodzera kuitwa pakati penyika mbiri idzi.

Svondo rapera VaMnangagwa vakazivisa vari kuBotswana kuti nyika mbiri idzi dzakanga dzawirirana kuti zvizvarwa zvadzo zvishandise zvitupa chete pakuyambuka muganhu wenyika mbiri idzi.

Asi muna Kurume wegore rino mutungamiri we Botswana, VaMokgweetsi Masisi vakambotaurawo mashoko iwaya vachiti vaive vatove nechibvumirano chakadaro neNamibia.

Mutauriri wa VaMokweetsi Masisi, mutungamiri wenyika yeBotswana, VaJohn Depowe, vaudza studio 7 kuti hapana chikuru chati chavepo pari zvino asi kuti hurumende yeBotswana ichiri kuita tsvakurudzo dzekuti zvingafambiswa sei?

Asi vavimbisa kuti zviri muhurongwa vachiti kana zvakabudirira vachazivisa vatori venhau nguva pfupi inotevera.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:00:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Studio 7 haina kukwanisa kubata mutauriri waVaMnangagwa, VaGeorge Charamba, sezvo nharembozha yavo yanga isiri kudairwa.

Asi mumiriri weZimbabwe kuBotswana, VaHenry Mukonoweshuro, vaudza Studio 7 kuti nyaya iyi inyaya yakakurukurwa nevatungamiri vaviri ava, uye mapazi akakodzera kubata nyaya iyi atove kushanda nezvavo.

Dare remakurukota muZimbabwe rakazivisa neChipiri kuti bazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika rakatopiwa basa rekuti ribude nehwaro hwechibvumirano ichi.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachidzidzisa pachikoro chepamusorosoro, cheAfrica University, Doctor Wellington Gadzikwa, vanotiwo hurongwa hwakadai hauitiki nezuva rimwechete, vachiti zvinogona kutora nguva yakareba kuti chibvumirano chemhando iyi chizadziswe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG