Accessibility links

Breaking News

Nhengo Citizens’ Coalition for Change, VaJob Sikhala, Vanosvitsa Gore neMwedzi Mitanhatu Vari muJeri


VaJob Sikhala.
VaJob Sikhala.

Nhengo yebato rinopikisa reCitizens’ Coalition for Change, uye vakambomirira Zengeza West muparamende, VaJob Sikhala, vasvitsa gore nemwedzi mitanhatu vari mujeri asi vasina mhosva yavati vabatwa nayo pamhosva dzose dzavari kupomerwa.

Mutsamba yavakanyora nemusi weChina vari kujeri reChikurubi Maximum Prison kuruzhinji rweZimbabwe, VaSikhala vakati vari kubatwa senhapwa mujeri asi havasi kuzodzokera shure kurwira Zimbabwe yakasungunuka.

Izvi zviri kuuyawo apo sangano riri kurwira rusununguko rwaVaSikahala, reFree Job Sikhala Campiagn, raumba humiriri hwevanhu vachatungamira mukukurudzira kuti vasunungurwe huri munyika dzakapoteredza, kana kuti ma ambassador.

Vakasarudzwa kumirira sangano iri muSouth Africa ndiDoctor Tinashe Masese, kuBotswana kuina VaLuxon Chimedza, kuchiti Doctor Simba Ndoda vari kuNamibia.

Vari kumirira sangano iri kuMozambique ndaVaShelton Mununuri, kuchitiwo Professor Malango Chintenga vari kuMalawi.

Vari kuona nezvezvirongwa musangano reFree Job Sikhala Campaign, VaObert Masaraure, vanoti chinangwa chekuve nevamiriri ava munyika dzakasiyanasiyana ndechekuti vataurewo nenyika idzi kuti dzisvitsewo kuhurumende yeZimbabwe shoko rekuti VaSikhala vaburitswe muhusungwa.

VaSikhala vari kupomerwa mhosva dzekukonzera mhirizhonga, uye mazuva mashoma adarika vakachenurwa nedare repamusoro reHigh Court pane imwezve mhosva yavaipomerwa yekukanganisa mapurisa kuita basa rawo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG