Accessibility links

Breaking News

Muimbi weNziyo Dzechitendero, Lewis Ngara, Uyo Anoimba Ari kuBritain, Osimudzira Pamusoro Basa Rake reKuimba keParidza Vangeri


Muimbi, Lewis Ngara.
Muimbi, Lewis Ngara.

Muchirongwa chedu chemagitare chesvondo rino taita hurukuro nemuimbi wedzeChitendero, kana kuti Gospel Music, Lewis Ngara, uyo anoimba ari kuBritain kwaanogara nemudzimai nevana vavo vatatu.

Lewis anoti akatanga kuimba achiri mudiki kuchikoro asi vehukama neshamwari vakamukurudzira kudzamara azotangawo kunyora nziyo nekutsikisa.

Kamwe kenziyo dzake dziri kukurumbira kanonzi “Ndisiye Ndisiye”, ako kaanoti ndiko kari pamwoyo pake.

Lewis anoti anotendawo zvikuru vatsigiri vemimhanzi yake kubva kumativi mana enyika.

Vhidhhiyo Yekuona - Lewis Ngara Video.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00

Asi anoti semuimbi wese, anosanganawo nematambudziko anosanganisira kushaya nguva yakakwana kuti abatanidze zvese zvaanoda kuita pazuva se zvakaita sekuwana nguva nemhuri, kuwana nguva yekuzorora, uyewo kuenda kubasa rake remaoko nerechivhangeri, raanoitawo kana asiri kuita zvemagitare.

Tinokupai chimwe chirongwa chemagitare nemusi we chishanu svondo rinouya. Kune vaimbi vanoda kuti titaure navo pachirongwa chedu pano pa studio 7 tibatei pa whatsapp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:10:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG