Nyanzvi dzezvekurima pamwe nevanodzivirira njodzi vari kukurudzira varimi neveruzhinji kuti vangwarire hupenyu hwavo, zvipfuwo zvavo pamwe nezvirimwa munguva ino yekunaya kwemvura yakawanda.
Kurudziro iyi inotevera chiziviso chehofisi inoona nezvemamiriro ekunze munyika, yeMeteorological Services Department, chekuti mvura zhinji icharamba ichinaya munyika kusvika nemusi weChitatu.
Mumashoko avo kune veruzhinji, veboka reMet Department vati mvura iyi iri kunaya ine mupande nechimvuramabwe izvo zvinogona kuisa vanhu, zvipfuwo kana zvirimwa panjodzi.
Vakurudzira kuti vanhu vasaenda kunzvimbo dzakashama, pamusoro pemakomo, nzvimbo dzine miti yakareba, kana panoungana mvura yakawanda.
Studio 7 yabata mukuru weboka reMeteorological Services Department, Amai Becky Manzou kuti tinzwe zvizhinji asi vati vange vakabatikana, uye vanga vasati vapindura mibvunzo yatazovatumira tisati taenda pamhepo.
Asi nyanzvi mune zvekurima vari murimisi kukambani yezvekurima yeAgricura, Muzvare Tafadzwa Maunga, vaudza Studio 7 kuti nenguva yatiri ino iyi vanenge vachikurudzira vanhu kuti varemekedze mashoko avanenge vachiwana maringe nemamiriro ekunze kuitira kudzivirira njodzi.
Forum