Bato rinopikisa reCitizens’ Coalition for Change rinoti raparura hurongwa hwaro hwekutsvaga rutsigiro musarudzo dzema by-election dziri kutarisirwa kuitwa musi wa 03 Kukadzi gore rinouya.
Vari kumirira bato iri mudunhu reMkoba North, VaAmos Chibaya, vanoti vakatanga hurongwa hwekutsvaga rutsigiro uhwu mudunhu ravari kuda kukwikwidza, kunyenga hazvo sarudzo idzi dzanga dzisingafanirwe kunge dziri kudzokororwa sezvo vanhu vakasarudza zvavanoda.
Sarudzo idzi dziri kuuya zvichitevera kudzingwa kwenhengo dzeparamende namakanzuru dzeCCC nevari kuzviti ndivo vakafanobata chigaro chemunyori mukuru weCCC, Vasengezo Tshabangu vachidzipomera mhosva yekuti dzakanga dzisina kusarudzwa nevanhu.
Asi mune dzimwe sarudzo dzema by-election dzakaitwa musi wa 09 Zvita, dare redzimhosva rakarambidza nhengo dzeCCC dziri kudivi remutungamiri webato VaNelson Chamisa kukwikwidza dzichishandisa zita rebato iri mushure mekunge VaTshabangu vakwira kudare iri.
Vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti izvi zvinogona kudzokororwa zvakare musarudzo dzemuna Kukadzi idzi sezvo nhengo dzakadzingwa idzi dzakanyoresa zvakare kuti dzikwikwidze dziri pasi peCCC.
Asi VaChibaya vanoti izvi hazvidzokororwi rwendo rwuno sezvo bato ravo rakapikisa kudzingwa kwenhengo dzavo kumatare edzimhosva.
Taedza kubata mukuru muhofisi yezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaFarai Marapira kuti tinzwewo hurongwa hwebato ravo asi vanga vasati vapindura mibvunzo yedu pataenda pamhepo.
Forum