Vamwe varimi vefodya munyika vari kuchema-chema nekumbodzimwadzimwa kwemagetsi kwenguva dzakareba, ukuwo varimi vechibage vachiti vachaderedza ndima dzavacharima nekuda kwekunonoka kunaya kwemvura kwakaringana vachiti havazive kuti ichanaya semakore adarika here kana kuti ichakurumidza kuenda.
Varimi vefodya ava vari kuti chirimwa chavo chiri kutsva nekuti havasi kukwanisa kudiridza sezvinotarisirwa nekuti magetsi ave kuenda zvakanyanya zvichienzaniswa nenguva ino gore rapera.
Vanoti zvikonzero zvinenge zvichipihwa nekambani yemagetsi, yeZimbabwe Electricity Supply Authority, ZESA, zviri kuwandisa asi pasina zviri kuitwa kugadzirisa dambudziko rekushaikwa kwemagetsi iri.
Mumwe murimi wefodya wekuHurungwe mudunhu reMashonaland West, VaBenny Madanhire, vanoti vakarasikirwa nemahekiteya anodarika makumi mana efodya nekutadza kudiridzira zvichikonzerwa nekushaikwa kwemagetsi.
“Kushaikwa kwemagetsi kwakaita kuti nditadze kudiridza fodya yangu 40 hectares zvekuti hapana chandinobuda nacho” VaMadanhire vanotsanangura.
Mumwe murimi wefodya wekuMazowe mudunhu reMashonaland Central, VaTakesure Raviro, vanoti gwenya rinounza magetsi papurazi ravo, kana kuti transformer, rakafa uye riri kutora nguva yakarebesa risati ragadzirwa, uku fodya yavo ichifa nekushaya mvura.
“Ndine mwedzi mitatu ndisina transformer zvekuti fodya yandainge ndadyara yave kutotsvukuruka ichiri diki” VaRaviro vanotsanangurawo.
Varimi vefodya ava vanoti vari kusanganawo nedambudziko rekushaya mapombi anofambisa mvura yemadiridziro, sekutaura kwemumwe murimi wekuMarondera, VaTichafa Chafanza.
“Ngatiedze kupa zvikwanisiro zvose zvinodikanwa nevarimi vemadiridziro” VaChafanza vanokurudzira.
Mumwe mushandi mukuru mubazi rekuburitswa kwemashoko mukambani yeZESA, Amai Nyarai Nyanguwo, vanobvuma kuti pane kushomeka kwemagetsi munyika vachiti pari zvino vari kugaya magetsi anosvika mamegawatsi chiuru chimwechete nemazana maviri ane makumi mashanu, kana kuti 1250 megawatts pazuva.
Asi nyika inonzi inoda magetsi anosvika chiuru nemazana masere ane makumi matanhatu, kana kuti 1860 megawatts pazuva.
“Pari zvino nyaka inoda mamegawatsi anosvika chiuru nemazana masere ane makumi matanhatu asi tiri kukwanisa kugaya magetsi mamegawatsi chiuru chimwechete nemazana maviri ane makumi mashanu” Amai Nyanguwo vanozivisa.
Amai Nyanguwo vanoti izvi zviri kukonzerwa nekusashanda kwemamwe magwenya emagetsi ari kuHwange ayo ari kugadzirwa, vachiti mwedzi uno uchapera dzimwe nzvimbo dzakawanda dzichishaikwa magetsi zvakanyanya.
Vamwe varimi vanoti dambudziko rekushaya mvura yemadiridziro riri kuwedzerwa nekudzikira kwaita mvura mune mamwe madhamu avanoshandisa zvisineyi nekuti hurumende iri kuti iri kuvaka madhamu akawanda munyika.
Mukuru weZimbabwe National water Authority, ZINWA, mudunhu reMashonaland West, VaPasswell Nyahora, vanoti pane nzvimbo dzine madhamu asina mvura munzvimbo dzakaita seChegutu, Mhondoro neSanyati.
“Tine mamwe madhamu asina mvura yakawanda zvikuru munzvimbo dzinoti Chegutu, Surisuri, Sanyati neMhondoro” VaNyahora vanotsanangura.
Gurukota redunhu reMashonaland, West Amai Marian Chombo, vanoti zviri kusiririsa kurasikirwa kuri kuitwa varimi vefodya nekuda kwekushaikwa kwemagetsi.
“Pane zviri kuitika zvekuti vamwe varimi vakaisa fotireza magetsi ndokuenda fodya yose ndokuoma, zviri kusiririsa” Amai Chombo vanotsanangura dambudziko revarima ravakaona.
Amai Chombo vanoti panofanirwa kuve nekuwirirana pakati pevarimi nevashandi veZESA panguva dzinoenda nekudzoka kwemagetsi.
Munyori mukuru mubazi rezvekurima, Professor Obert Jiri, vanoti dambudziko remagetsi riri kukanganisa kurimwa kwezvirimwa zvinoda madiridziro zvakanyanya zvekuti zvinogona kuderedza gohwo revarimi.
Apo varimi vefodya vari kuchemachema nekushaikwa kwemagetsi nezvimwe zvemadiridziro, varimi vechibage nezvimwe zvirimwa zvidiki vanoti vacharima ndima diki sezvo mvura yemudenga yakanonoka kuturuka.
Varimi vechibage ava vanoti vari kutya kurima ndima huru sezvo mvura yakanonoka kunaya. Vanoti zvine njodzi yekuti murimi anoshaya chaanokohwa kana mvura ikakurumidza kuenda, sekutaura kwevanoongorora mamiriro ekunze kana kuti Meteorological Service Department.
Asi vamwe vanoti kunaya kwemvura ndekwaMwari nekudaro varimi vanofanirwa kurima chete voona zvinozoitika.
Varimi vari kukurudzirwawo kuti vasangorima chibage chete, asi kuti varimewo mbeu diki dzinokurumidza kuibva uye dzisingade mvura yakawanda, dzakaita serukweza, mapfunde nemhunga.
Forum