Accessibility links

Breaking News

Zvikoro Zvowedzera Mari yeDzidzo Zvakanyanya


Vana vepa Dekezi Primary School vachiratidza mabhuku avakapihwa neRural Schools Library Trust
Vana vepa Dekezi Primary School vachiratidza mabhuku avakapihwa neRural Schools Library Trust

Vamwe vabereki vari kuchema chema kuti kunyange hurumende yakatara mari dzinofanira kubhadhariswa nezvikoro, zvimwe zvikoro zvave kutsvaga nzira dzekuwedzera mari dzechikoro kuburikidza nemari dzebudiriro kana kuti levies. Godfrey Mtimba anotipa nyaya inotevera.

Vamwe vabereki vakaita saAmai Sungano Zvarebwanashe vemudhorobha reMasvingo vaudza Studio 7 kuti mari dzechikoro dziri kuwedzerwa zvakanyanya zvisineyi nezviri kutaurwa nehurumende

Pamari inotarwa nehurumende yetuition fee, gurukota rezvedzidzo yepasi munyika, VaTorerai Moyo vakatara kuti zvikoro zvekuPrimary zvekumaruwa kana kuti P3 zvinobhadharisa mari inoita madhora mashanu emari yekuAmerica, zvikoro zvemunzvimbo dzeruzhinji mumadhoroba P2 madhora gumi uye zvekunzvimmbo dzinogara shoroma P1 madhora makumi maviri.

Zvikoro zveku Secondary zvekumaruwa S3 zvinobhadharisa madhora gumi, zvekunzvimbo dzeruzhinji mumadhorobha S2 madhora makumi maviri uye zvekunzvimbo dzeshoroma S1 madhora makumi mana emari yekuAmerica asi vabereki vanotenderwa kubhara mari iyi nemari yemunyika. Mari iyi inonzi inokwanisa kubhadharwa nemadhora emunyika pachishandiswa chikero chekubhanga. Asi vanenge vari zvizvarwa zvedzimwe nyika vanonzi vabhadhare madhora ekuAmerica chete.

Vamwe vabereki vataura neStudio 7 vatiwo zvikoro zvakaita seChristian neNdarama zvave kuwedzera mari yebudiriro zvakanyanya. Kubva pazana remadhora rekuAmerica pakotoro yaimbobhadharwa zvikoro izvi zvave kuda mari inosvika madhora mazana matatu kana kuti US$300..

Zvikoro zvine vana vanogarapo kana kuti boarding schools zvakaita sePamushana, Zimuto ne Chibhi High schools zvaibhadarisa mari dzebudiriro dzinosvika mazana mana emadhora kana kuti US$400 zvave kuda mari dzinotangira pamazana masere kana kuti US$700 kusvika pachiuru chemadhora ekuAmerica kana kuti US$1000.

Mumwe mubereki wemuraini rekwaMapuvire kwaChivi VaLovemore Dzoro vati vabereki vari kuomerwa nekubhadhara mari dzakatarwa idzi.

Mumwe mubereki wekuChikomba kuChivhu , Amai Cecilia Gumbo vanoti zvinhu zvatonyanya kuoma sezvo gore rino nyika yakatarisana nenzara.

Vakuru zvezvikoro vakawanda varamba kutaura neStudio 7 vachiti hatendedzwi nehurumende kutaura nevatori venhau.

Asi mumwe mukuru wechikoro aramba kudomwa nezita rake ati zvikoro zviri kukwidza mari dzemitero kuti zvikwanise kutenga zvikwanisiro.

Mutungamiriri werimwe sangano revadzidzisi reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe (ARTUZ, ) VaObert Masaraure, vati vabereki vari panguva yakoma.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa mumubatanidzwa wemasangano nemakomiti anomirira vabereki munyaya dzebudiriro dzezvikoro, reNattional Associations of School Development Associations and Committees VaBanny Manokore vanoti zvakakoshawo kuti vaberekei vapindewo mumisangano inozeya nyaya dzemari dzebudiro pazvikoro.

Mutauriri webazi rezvedzidzo yepasi munyika, VaTaungana Ndoro vati hazvisi pamutemo kuti zvikoro zvikwidze mari dzebudiriro zvisina mvumo yebazi ravo.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti hurumende inofanira kupa bazi rezvedzidzo mari yakawanda mubhajeti kwete kusiira mutoro vabereki nemasangano ekunze.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG