Vanhu gumi nemumwe kana kudarika vanofungidzirwa kuti vanogona kunge vafira mumugodhi weRedwing kuPenhalonga, Manicaland mushure mekunge wadhirika nemusi weChina mangwanani.
Asi kuburitsa vanhu ava kunogona kunetsa. Mumashoko kuvatori venhau, gurukota rezvemigodhi VaZhemu Soda vati kuyedza kuburitsa vanhu ava kuri kunetsa nekuti ivhu riri pamugodhi uyu harina kunyatsogadzikana uye nzvimbo yacho iri kudhirikira mukati.
Gore rapera, vamwe vanhu vanofungidzirwa kuti vanodarika makumi mana vakatadza kuburitswa mumugodhi kuBay Horse kuChegutu. Mugodhi uyu ndiwo wakabva wave rinda ravo. Varidzi ava vange vari nhengo dzeZimbabwe Miners Federation inotungamirwa naMuzvare Henrietta Rushwaya.
Varidzi vemugodhi uyu vari kuti pane kudengenyika kwaitikaMuridzi wemugodhi uyu inhengo yeZanu-PF vanomirira Mabvuku-Tafara mudare reparamende VaScott Sakupwanya.
Mapurisa ati ange achiri akamirira kunzwa zvizere kubva kuvakuru vemapurisa kuManicaland panyaya yevanhu gumi nemumwe vari kunzi vadhirikirwa nemugodhi. Tatumira mubvunzo kuna VaSakupwanya panharembozha yavo asi vange vasati vapindura.
Asi muna Ndira gore rapera veEnvironment Management Agency kana kuti EMA vakati mugodhi uyu umbomira kushanda sezvo waive njodzi kuvashandi. Asi izvi hazvina kuetevedzerwa uye pane mashoko ekuti vanhu vaingofira mumigodhi iyi zvisingataurwe.
Mutungamiri wesangano reNational Mine Workers Union of Zimbabwe VaKurebwa Jabangwe Nomboko vaudza Studio 7 kuti migodhi yakawanda iri kudhirika sezvo isiri kutevera mitemo nekuti vakuru vacho vachiita zvechizivano nevatungamiri muhurumende.
Forum