Mari dzekubhadhara pama toll gate dzakaziviswa negurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube mubhajeti regore rino ra 2024, dzatanga kushanda neChishanu sezvaziviswa neZINARA.
Vedzimotokari vanoshandisa migwagwa mikuru iri kunzi neZINARA Premium roads yakaita seHarare-Beitbridge nePlumtree-Mutare kutanga vave kubhadhara mitero yakapetwa kazana kubva muzana kubva pamadhora maviri kuenda pamadhora mana pamotokari duku.
Vemabhazi madiki vave kubhadhara madhora matanhatu kubva pamadhora matatu, kuchitiwo vemabhazi makuri vachibhadhara madhora masere kubva pamadhora mana.
Vemarhorhi makuru vave kubhadhra madhora gumi kubva pamadhora mashanu, kuchitiwo vemagonyeti vave kubhadhara madhora makumi maviri kubva pamadhora gumi ekuAmerica.
Mimwe migwagwa ine ma toll gate mari dzekuripira dzakwirawo nezvikamu makumi mashanu kubva muzana, kana kuti fifty percent.
Nyanzvi mune zvehupfumi dzinoti kukwidzwa kwemitero iyi kucharemedza veruzhinji sezvo mitengo yezvinhu ichakwirawo zvakanyanya.
Bato rinopikisa reCitizens’ Coalition for Change, riri kupomera hurumende yeZanu PF kuita zvehuwori ichitadza kugadzirisa zvinhu munyika, izvo zviri kuzosvitsa pakuti varombo varambe vachikamwa.
Taedza kubata mushandi mukuru muhofisi yezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaFarai marapira, asi vanga vasati vapindura mibvunzo yedu.
Asi nhengo ye central committee yeZanu PF, VaJoseph Tshuma vaudza Studio 7 kuti bato ravo haripindiri mukushandiswa kwemari dzehurumende.
Mutauriri weCCC, VaPromise Mkwananzi vanoti zviri kunyanya kuchemwa nazvo nedanho rehurumende iri inyaya yekukwira kwemitero yakaiswa nehurumende iyi, vachiti zvichaomesera veruzhinji vakawanda muZimbabwe, avo vagara vari kutambura nechakare.
Forum