Accessibility links

Breaking News

Gurukota reZvekudyidzana kweAmerica neDzimwe Nyika, VaAntony Blinken, Vonanga kuMiddle East


VaAntony Blinken.
VaAntony Blinken.

Gurukota rezvekudyidzana kweAmerica nedzimwe nyika, VaAntony Blinken, vari kutarisirwa kusvika kuMiddle East neChishanu, murwendo rwavo rwechina mudunhu iri kubva zvatanga hondo pakati peIsrael neHamas musi wa 07 Gumiguru.

Bazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika rakazivisa nemusi weChina kuti chinangwa cherwendo rwaVaBlinken ndechekuona kuti Gaza ichachengetedzwa sei kana hondo yapera.

VaBlinken vachasimbisawo kurudziro yekuwedzerwa kwerubatsiro muGaza.

Bazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika razivisa kuti parwendo rwavo rwesvondo rose VaBlinken vachashanyira Israel, West Bank, Turkey, Greece, Jordan, Qatar, United Arab Emirates, Saudi Arabia neEgypt.

Mazana ezviuru zvevanhu vemuPalestine zvakatama kubva mudunhu rekuchamhembe kweGaza uko vakawanda vakamanikidzwa kurarama muhuruombo vasina mukana wekuwana mvura yakachena, zvekudya kana zvimbuzi zvinoshanda.

Israel inonzi yaenderera mberi ichikanda mambhambu usiku hwese kuchamhembe kweGaza munzvimbo dzinoti Khan Yunis neRafah, uyewo pakati peGaza.

Sangano renhau reAFP rinoti mauto eIsrael ati abhomba nzvimbo dzinodarika zana, dzinosanganisira dzanga dzine varwi veHamas, dzanga dzichishandiswa kukanda zvombo zvema rocket pamwe nedzinochengeterwa zvombo.

Bazi rezvehutano muGaza, iro rinodyidzana neHamas, rinoti vanhu vanodarika zviuru makumi maviri nezviviri vafa kubva zvatanga hondo iyi.

Israel inoti vanhu chiuru nemazana maviri vakaurayiwawo neHamas, iyo inonzi nehurumende yeAmerica chikwata chematororo.

Forum

XS
SM
MD
LG